Mako 1:1-28
Mako 1:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi: “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako,” “inzwi rounodana murenje, richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ” Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari. Vachireurura zvivi zvavo, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rweJorodhani. Johani aipfeka nguo dzamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake, uye aidya mhashu nouchi hwesango. Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: “Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake. Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.” Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani. Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva. Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.” Pakarepo Mweya akamutumira kurenje, uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira. Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari. Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!” Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomununʼuna wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera. Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo. Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi, mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera. Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro. Pakarepo mumwe murume akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti, “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani, imi Mutsvene waMwari!” Jesu akarayira akati, “Nyarara! Buda maari!” Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.” Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.
Mako 1:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kutanga kweVhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Sezvazvakanyorwa mumuporofita Isaya, zvichinzi, “Tarira, ‘Ndinotuma munyai wangu pamberi pako,’ Achakunatsira nzira yako; Izwi raanodana murenje, ‘Gadzirai nzira yaIshe, Ruramisai migwagwa yake.’ ” Johani akauya achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi zvavo. Nyika yose yeJudhea, navanhu veJerusaremu vose vakaenda kwaari, vakabhabhatidzwa naye muna Jorodhani, vachireurura zvivi zvavo. Johani akanga akapfeka nguo yamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake; aidya mhashu nouchi hwesango. Akaparidza, achiti, “Shure kwango kunouya mumwe ane simba kupfuureni, wandisinokufanira kukotama kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Ini ndakakubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene.” Namazuva iwayo Jesu akabva Nazareta muGariria, akabhabhatidzwa naJohani muna Jorodhani. Pakarepo achibuda mumvura, akaona denga richizarurwa, naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva; izwi rikabva kudenga, richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu mudiwa, ndinokufarira.” Pakarepo Mweya akamubudisira kurenje; akava murenje mazuva makumi mana, achiedzwa naSatani; akagara nezvikara, vatumwa vakamushandira. Johani akati asungwa, Jesu akasvika Gariria, achiparidza Vhangeri yaMwari, achiti, “Nguva yazadziswa, ushe hwaMwari hwaswedera pedyo; tendeukai, mutende Vhangeri.” Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona Simoni, naAndireya, munun'una waSimoni, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Jesu akati kwavari, “Nditeverei, kuti ndikuitei vabati vavanhu.” Vakasiya usvasvi hwavo pakarepo, vakamutevera. Akati apfuura zvishoma, akaona Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vachigadzira usvasvi muigwa. Akavadana pakarepo, vakasiya baba vavo Zebhedhi muigwa navaranda, vakamutevera. Vakapinda Kapenaume; pakarepo nomusi weSabata akapinda musinagoge, akadzidzisa. Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori. Zvino musinagoge ravo makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa, akadanidzira, achiti, “Tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.” Zvino Jesu akamuraira; akati, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa akamubvundisa, ndokudanidzira nezwi guru, ndokubuda kwaari. Vakatya zvikuru vose, nokudaro vakaita nyaya, vachiti, “Chinyiko ichi? Kudzidzisa kutsva kune simba! Anorayira kunyange nemweya yakaipa ikamuterera.” Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGariria.
Mako 1:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uku ndiko kutanga kweShoko Rakanaka raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, sokunyorwa kwazvakaitwa muna Isaya muporofita zvichinzi, “Chiona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako, ichagadzirira nzira yako. Izwi reanodaidzira ari murenje, achiti, ‘Gadzirirai mugwagwa waTenzi, ruramisai nzira dzake.’ ” Kurenje kwakazova naJohani aiombeka, achiparidza ruombeko rwokuti vanhu vapinduke varegererwe zvitadzo zvavo. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusaremu vakakotonokera kwaari vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo. Johani aipfeka nguwo yemvere dzengamera, aine bhande reganda muchiuno chake. Aidya hwiza nouchi hwomusango. Aiparidza achiti, “Mushure mangu muri kuuya ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kukotama ndichisunungura rukanda rweshangu dzake. Ini ndakuombekai nemvura asi iye achakuombekai naMweya Mutsvene.” Zvino pamazuva iwayo Jesu akauya achibva kuNazareti yokuGarirea akaombekwa naJohani muna Jorodhani. Achangoti budei mumvura, akaona matenga achizaruka naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva. Izwi rakabva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo, anondifadza zvikuru.” Pakarepo Mweya akamuendesa kurenje. Akagara murenje mazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Imomo aingova nemhuka dzomusango, asi vatumwa vakanga vachimushandira. Kuzoti Johani asungwa, Jesu akaenda Garirea kundoparidza Shoko Rakanaka raMwari achiti, “Nguva iya yazokwana zvino, umambo hwaMwari hwava pedyo. Chipindukai mutendhe Shoko Rakanaka.” Jesu akati achipfuura napagungwa reGarirea akaona Simoni naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi mugungwa nokuti vaiva vabvuvi vehove. Jesu akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai kuti muve vabvuvi vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera. Kuzoti angoti fambe–fambei zvishoma, akaona Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa ravo vachigadzira usvasvi. Pakarepo Jesu akavadaidza; ivo vakasiya baba vavo Zebhedhi navashandi vari mugwa, vakatevera Jesu. Zvino vakazosvika muKapenaumu. Zvarakanga ravaSabata, Jesu akapinda musinagogu akadzidzisamo. Vanhu vakashamiswa kwazvo norudzidziso rwake nokuti aidzidzisa somunhu ane chiremera, kwete senyanzvi dzoMutemo. Ipapo musinagogu mavo maiva nomunhu aiva nomweya wetsvina. Akazhamba achiti, “Ko, tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva kuti ndiwe ani, ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Nyarara, buda maari!” Mweya wetsvina uya wakamupfurupfutisa ndokuridza mhere uchibva wabuda maari. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Ko, chiiko ichi? Chidzidziso chitsvasu! Anotaurira kunyange mweya yetsvina ichimuteera.” Mukurumbira wake wakabva wapararira kwose kwose, munharaunda yose yeGarirea.
Mako 1:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kutaŋga kweEvaŋgeri yaJesu Kristu, Mŋanakomana waMŋari. Seɀaɀakanyorwa mumuprofita Isaya, ɀicinzi: Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako, Ucakunatsira nzira yako; Inzwi rounoɗana murenje, Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake. Johane wakaʋuya acibapatidza murenje, aciparidza rubapatidzo rwokutendeʋuka ʋakaŋganwirwe ɀiʋi. Nyika yose yeJudea, naʋeJerusarema ʋose ʋakaɓuɗira kwaari, ʋakabapatidzwa naye murwizi rwaJoridani, ʋaciɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo. Johane wakaŋga akapfeka ŋguʋo yamakushe ekamera, nebanhire reganda muciʋuno cake; waidya mhashu noʋuci bgesaŋgo. Akaparidza, aciti: Shure kwaŋgu kunoʋuya mumŋe unesimba kupfuʋureni, wandisino‐kufanira kukotama kuti ndisunuŋgure rukanda rweshaŋgu dzake. Ini ndakakubapatidzai nemvura, asi iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene. Namazuʋa iwayo Jesu wakabva Nazareta muGarirea, akabapatidzwa naJohane muJordani. Pakarepo aciɓuɗa mumvura, akaʋona ɗeŋga ricizarurwa, noMŋeya uciɓurukira pamsoro pake senjiʋa; inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, ndinokufarira. Pakarepo Mŋeya wakamuɓuɗisira kurenje; akaʋa murenje mazuʋa makumi manna, aciidzwa naSatani; wakaŋga ari kuɀikara, ʋatumŋa ʋakamushumira. Johane wakati asuŋgwa, Jesu akaȿika Garirea, aciparidza Evaŋgeri yaMŋari, aciti: Ŋguʋa yazad ziswa, ʋushe bgaMŋari bgasweɗera pedyo; tendeʋukai, mutende Evaŋgeri. Wakati acifamba paguŋgwa re Garirea, akaʋona Simoni, naAndrea, m unuŋuna waSimoni, ʋacikandira ʋutaʋ muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe. Jesu akati kwaʋari: Nditeʋerei, kuti ndikuitei ʋaɓati ʋaʋanhu. Ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo pakarepo, ʋakamuteʋera. Wakati apfuʋura ɀishoma, akaʋona Jakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋacigadzira ʋutaʋa mugwa. Akaʋaɗana pakarepo, ʋakasiya ɓaɓa ʋaʋo Zebedi mugwa naʋaranda, ʋakamuteʋera. Ʋakapinda Kapernaume; pakarepo nomusi wesaɓata akapinda musinagoge, akadzidzisa. Ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti wakaʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori. Ɀino musinagoge raʋo makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakaɗanidzira, aciti: Tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari. Ɀino Jesu akamuraira, akati: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wetȿina ukamubvundisa, ndokuɗanidzira nenzwi guru, ndokuɓuɗa kwaari. Ʋakatya ɀikuru ʋose, nokuɗaro ʋakaita nyaya, ʋaciti: Cinyiko ici? Kudzidzisa kutȿa kunesimba! Unoraira kunyaŋge nemŋeya yetȿina ikamuterera. Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGarirea.
Mako 1:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)