Mika 6:1-8
Mika 6:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Teererai zvinotaurwa naJehovha: “Simukai, taurai nyaya yenyu pamberi pamakomo; zvikomo ngazvinzwe zvamunoda kutaura. Chinzwai imi makomo, kupomera kwaJehovha; teererai, imi hwaro hwenyika hunogara nokusingaperi. Nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake; anopa Israeri mhosva. “Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai? Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei. Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda. Ndakatuma Mozisi kuti azokutungamirirai, naAroniwo naMiriamu. Vanhu vangu, rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori. Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari, kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.” Ndichauya neiko pamberi paJehovha. Uye ndigokotama sei pamberi paMwari anokudzwa? Ndingauye pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa nemhuru dzine gore rimwe here? Ko, Jehovha angafadzwa nezviuru zvamakondobwe, uye nezviuru gumi zvenzizi dzamafuta here? Ndingapa dangwe rangu nokuda kwokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pokutadza kwomweya wangu here? Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.
Mika 6:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Chinzwai zvino zvinorehwa naJehovha. Simuka, ita nharo pamberi pamakomo, zvikomo ngazvinzwe izwi rako. Chinzwai, imi makomo, rukave rwaJehovha, nemi nheyo dzenyika dzinogara dziripo; nokuti Jehovha anorukave navanhu vake, achaita nharo naIsiraeri. Nhai, imi vanhu vangu, ndakakuiteiko? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei. Nokuti ndakakubudisai panyika yeIjipiti, ndikakudzikinurai paimba youranda, ndikatuma pamberi penyu Mosesi naAroni naMiriami. Aiwa, vanhu vangu, rangarirai zvino zvakaranganwa naBharaki mambo waMoabhi, uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori; rangarirai zvakaitwa kubva paShitimi kusvikira Girigari, kuti muzive zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha. “Ndichauya nei pamberi paJehovha, ndichikotamira pamberi paMwari wokumusoro? Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimwe here? Ko Jehovha ungafadzwa namakondobwe ane chiuru chezana, kana nenzizi dzamafuta dzine zviuru zvine gumi here? Ndingamuvigira dangwe rangu pamusoro pokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pezvivi zvomweya wangu here? “Iye wakakuzivisa, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi; chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?
Mika 6:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinzwai zviri kutaura Tenzi. Imimi Mwari simukai mutaure mhosva yenyu pamberi pamakomo, zvikomowo zvinzwe izwi renyu. Teererai, imi makomo, nhuna dzaTenzi nemi ugaro hwenyika hwokugara nokugara nokuti Tenzi ane nhuna navanhu vake nezvo achaita dare neIsiraeri. “Nhai vanhu vangu, chii chandakakuitirai chaizvo? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei! Nokuti ini ndakakuburitsaika munyika yeIjipiti, ndikakununurai mumba youranda. Ndakakutumirai Mosesi naAroni naMiriamu kuzokutungamirirai. Vanhu vangu, rangarirai zviya zvakanga zvarongwa naBharuki mambo weMoabhu nemhinduro iya yaakapiwa naBhiriamu mwanakomana waBheori. Rangarirai zviya zvakaitika kubvira kuShitimu kusvikira kuGirigari kuitira kuti muzive mabasa akarurama aTenzi.” Ndouya neiko chaizvo kuna Tenzi ndichizopfugamira iye Mwari wokumusoro? Ndouya here kwaari ndiine mipiro yokupisa yemhuru dzegore rimwechete? Ko iye Tenzi angafadzwe here nezviuru nezviuru zvehondohwe kana kuti gumi rezviuru zvehova dzamafuta? Ndopirira here kukanganisa kwangu dangwe rangu romukomana, ura hwangu ndichihupirira chitadzo changu ini? Inga wakaudzwa wani, nhai munhu kuti zvakanaka ndezvipi; uye kuti Tenzi anoda kuti uitei, zvaanoda dzezvizvi zvokuti: uite zvine ruenzaniso, uye zvomwoyochena zvikupinde muropa nokufambawo naMwari wako wakazvirereka.
Mika 6:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cinzwai ɀino ɀinorebga naJehova: Simuka, ita nharo pamberi pamakomo, ɀikomo ŋgaɀinzwe inzwi rako. Cinzwai, imi makomo, rukaʋe rwaJehova, nemi nheyo dzenyika dzinogara dziri’po; nokuti Jehova unorukaʋe naʋanhu ʋake, ucaita nharo naIsraeri. Nhai, imi ʋanhu ʋaŋgu, ndakakuiteiko? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei. Nokuti ndakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, ndikakudzikinurai paimba yoʋuranda, ndikatuma pamberi penyu Mosesi naAroni naMiriami. Haiwa, ʋanhu ʋaŋgu, raŋgarirai ɀino ɀakaraŋganwa naBaraki mambo waMoabi, ʋuye ɀaakapindurwa naBarami mŋanakomana waBeori; raŋgarirai ɀakaitwa kubva paShitimi kuȿikira Girgari, kuti muziʋe ɀakarurama ɀamakaitirwa naJehova. Ndicaʋuya nei pamberi paJehova, ndicikotamira pamberi paMŋari wokumsoro? Ndicaʋuya pamberi pake neɀiɓayiro ɀinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimŋe here? Ko Jehova uŋgafadzwa namakondobge anecuru cezana, kana nenzizi dzamafuta dzineɀuru ɀinegumi here? Ndiŋgamuʋigira ɗaŋgwe raŋgu pamsoro pokuɗarika kwaŋgu, ico ciɓereko comuʋiri waŋgu pamsoro peɀiʋi ɀomŋeya waŋgu here? Iye wakakuziʋisa, iwe munhu, kuti ɀakanaka ndeɀipi; cinotȿakwa naJehova kwauri cinyiko, asi kuti uite ɀakarurama, uɗe ʋunyoro, ʋuye ufambe uciɀininipisa pamberi paMŋari wako?
Mika 6:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)