Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mika 6:1-8

Mika 6:1-8 SCLB

Chinzwai zviri kutaura Tenzi. Imimi Mwari simukai mutaure mhosva yenyu pamberi pamakomo, zvikomowo zvinzwe izwi renyu. Teererai, imi makomo, nhuna dzaTenzi nemi ugaro hwenyika hwokugara nokugara nokuti Tenzi ane nhuna navanhu vake nezvo achaita dare neIsiraeri. “Nhai vanhu vangu, chii chandakakuitirai chaizvo? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei! Nokuti ini ndakakuburitsaika munyika yeIjipiti, ndikakununurai mumba youranda. Ndakakutumirai Mosesi naAroni naMiriamu kuzokutungamirirai. Vanhu vangu, rangarirai zviya zvakanga zvarongwa naBharuki mambo weMoabhu nemhinduro iya yaakapiwa naBhiriamu mwanakomana waBheori. Rangarirai zviya zvakaitika kubvira kuShitimu kusvikira kuGirigari kuitira kuti muzive mabasa akarurama aTenzi.” Ndouya neiko chaizvo kuna Tenzi ndichizopfugamira iye Mwari wokumusoro? Ndouya here kwaari ndiine mipiro yokupisa yemhuru dzegore rimwechete? Ko iye Tenzi angafadzwe here nezviuru nezviuru zvehondohwe kana kuti gumi rezviuru zvehova dzamafuta? Ndopirira here kukanganisa kwangu dangwe rangu romukomana, ura hwangu ndichihupirira chitadzo changu ini? Inga wakaudzwa wani, nhai munhu kuti zvakanaka ndezvipi; uye kuti Tenzi anoda kuti uitei, zvaanoda dzezvizvi zvokuti: uite zvine ruenzaniso, uye zvomwoyochena zvikupinde muropa nokufambawo naMwari wako wakazvirereka.

Verenga chikamu Mika 6