Mateo 26:39-44
Mateo 26:39-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Jesu akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi nouso akanamata achiti, “Baba vangu, kana zvichigoneka, mukombe uyu wamatambudziko ngaundipfuure asi kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.” Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi nyama yaneta.” Jesu asudurukazve akanamata achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingakwanisi kundipesa ndichifanira kuunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” Akauyazve akavawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru. Jesu akavasiyazve, akaenda akandonamata rwechitatu achitaura mazwi mamwechetewo.
Mateo 26:39-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu.” Ipapo akadzokera kuvadzidzi vake akavawana vavata. Akabvunza Petro achiti, “Varume, matadza kurinda neni kweawa imwe chete? Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta.” Akaendazve kechipiri akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvisingagoni kuti mukombe uyu ubviswe kwandiri kunze kwokutenge ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” Paakadzoka, akavawanazve vavata nokuti meso avo akanga azere nehope. Saka akavasiya akaendazve uye akanyengetera kechitatu, achitaura zvimwe chetezvo.
Mateo 26:39-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akapfuura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyange zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete? Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haina simba.” Akaendazve rwechipiri, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura ndisingaunwi, kuda kwenyu ngakuitwe.” Akaendazve, akavawana vavata; nokuti meso avo akanga abatwa nehope. Akavasiyazve, akandonyengetera rwechitatu, achitaurazve mashoko iwayo.
Mateo 26:39-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi nouso akanamata achiti, “Baba vangu, kana zvichigoneka, mukombe uyu wamatambudziko ngaundipfuure asi kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.” Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi nyama yaneta.” Jesu asudurukazve akanamata achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingakwanisi kundipesa ndichifanira kuunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” Akauyazve akavawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru. Jesu akavasiyazve, akaenda akandonamata rwechitatu achitaura mazwi mamwechetewo.
Mateo 26:39-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akapfuʋura mberi ɀishomanene, akawira pasi neciso cake, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana ɀicibvira, mukombe uyu ŋgaupfuʋure kwandiri; kunyaŋge ɀakaɗaro kurege kuʋa kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwenyu. Akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Makaŋga musiŋgagoni seiko kurinda neni ŋguʋa imŋe cete? Rindai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mŋeya unoɗa hawo, asi nyama hainesimba. Akaenda ɀe rwecipiri, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana mukombe uyu usiŋgagoni kupfuʋura ndisiŋgaunwi, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe. Akaenda ɀe, akaʋawana ʋaʋata; nokuti meso aʋo akaŋga aɓatwa nehope. Akaʋasiya ɀe, akandonyeŋgetera rwecitatu, acitaura ɀe mashoko iwayo