Akapfuʋura mberi ɀishomanene, akawira pasi neciso cake, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana ɀicibvira, mukombe uyu ŋgaupfuʋure kwandiri; kunyaŋge ɀakaɗaro kurege kuʋa kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwenyu. Akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Makaŋga musiŋgagoni seiko kurinda neni ŋguʋa imŋe cete? Rindai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mŋeya unoɗa hawo, asi nyama hainesimba. Akaenda ɀe rwecipiri, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana mukombe uyu usiŋgagoni kupfuʋura ndisiŋgaunwi, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe. Akaenda ɀe, akaʋawana ʋaʋata; nokuti meso aʋo akaŋga aɓatwa nehope. Akaʋasiya ɀe, akandonyeŋgetera rwecitatu, acitaura ɀe mashoko iwayo
Verenga chikamu Mateo 26
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 26:39-44
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo