Mateo 26:1-28
Mateo 26:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati apedza kutaura zvinhu zvose izvi, akati kuvadzidzi vake, “Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, uye Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.” Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru ainzi Kayafasi, uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya. Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.” Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuhwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura. Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko? Mafuta anonhuhwira aya angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.” Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo. Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuchava neni nguva dzose. Paadira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu. Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.” Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru akandobvunza achiti, “Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?” Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha. Kubva ipapo zvichienda mberi Judhasi akamirira mukana wokuti amuise kwavari. Pazuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?” Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’ ” Saka vadzidzi vakaita sokurayirwa kwavakanga vaitwa naJesu vakandogadzira Pasika. Ava madekwana Jesu akagara patafura navane gumi navaviri. Vari pakati pokudya akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti mumwe wenyu achandipandukira.” Vakasuwa zvikuru uye vakatanga, mumwe nomumwe kuti, “Chokwadi, ndini here, Ishe?” Jesu akapindura akati, “Munhu aisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira. Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.” Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.” Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.” Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose. Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.
Mateo 26:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati apedza mashoko iwayo ose, akati kuvadzidzi vake, “Munoziva kuti kana mazuva maviri apfuura Pasika inosvika, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvatongi, kuti aroverwe pamuchinjikwa.” Zvino vapristi vakuru, navakuru vavanhu vakaungana muruvazhe rwomupristi mukuru, ainzi Kaifasi. Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vagomuuraya. Asi vakati, “Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.” Zvino Jesu akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, mumwe mukadzi akauya kwaari anechinu chearibhasitera chaiva namafuta chino mutengo mukuru, akachidururira mumusoro wake, agere pakudya. Asi vadzidzi vake vachizviona, vakafa neshungu, vakati, “Kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?” “Nokuti mafuta awa angadai atengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.” Asi Jesu, achizvinzwa, akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti andiitira basa rakanaka. Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose. Nokuti zvaakadira mafuta awa pamuviri wangu, akazviitira kuvigwa kwangu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri iyi panyika dzose, izvi zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.” Zvino mumwe wavane gumi navaviri, wainzi Judhasi Isikarioti, akaenda kuvapristi vakuru, akati, “Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri?” Vakamutemera makumi matatu emari yesirivha. Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo. Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko pamungadya Pasika?” Akati, “Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, ‘Zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedyo; ndichadya Pasika paimba yako, navadzidzi vangu.’ ” Vadzidzi vakaita pavakarayirwa napo naJesu, vakagadzira Pasika. Ava madekwana, akagara pakudya navadzidzi vane gumi navaviri. Vakati vachidya, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.” Zvino vakava neshungu kwazvo, vakatanga mumwe nomumwe kutaura kwaari, achiti, “Ishe, ndini here?” Akapindura, akati, “Waisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira. Mwanakomana womunhu achaenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, anouyisa Mwanakomana womunhu kuvavengi vake, zvaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.” Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akapindura, akati, “Rabhi, ndini here?” Akati kwaari, “Ndizvo zvawataura.” Vakati vodya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokupa vadzidzi vake, achiti kwavari, “Gamuchirai, mudye; uyu muviri wangu.” Akatora mukombe, akavonga, akavapa, achiti, “Inwai mose pauri.” “Nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva, rakadururirwa vazhinji kuti varegererwe zvivi.”
Mateo 26:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakapedza kutaura zvose izvi akati kuna vadzidzi vake, “Munoziva kuti mumashure memazuva maviri, Pasika iri kusvika. Mwanakomana womunhu achaturirwa kuti arovererwe pamuchinjikwa.” Vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakaungana mumuzinda womupristi mukuru ainzi Kaifasi. Vakaita bangano rokuti vasunge Jesu zvomuchivande vagomuuraya asi vakati kwete pamazuva makuru nokuti pangadaro pakaita bongozozo pakati pavanhu. Jesu paakanga ari kuBhetania ari mumba maSimoni wamaperembudzi. Kwakauya mumwe mukadzi nechinu chamafuta okuzora anokosha kwazvo chearabhasita. Akadururira mafuta acho mumusoro maJesu paakanga agere pakudya. Vadzidzi pavakazviona vakagumburwa nazvo vachiti, “Kurasa mari kudai!” Nokuti mafuta aya angadai atengeswa nemari yakawanda kwazvo ikapiwa kuvarombo. Jesu achizviziva, akati kwavari, “Ko munonetserei mukadzi uyu? Inga aita chinhu chakanakisisa wani kwandiri. Varombo munavo nguva dzose wani asi ini hamuneni nguva dzose. Nokudira kwaaita mafuta aya pamuviri wangu, aita izvi kundigadzirira kuvigwa kwangu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kuchaparidzwa shoko rakanaka iri, pasi pose, zvaaita zvichataurwa sechinhu chokumuyeuka nacho.” Zvino mumwe wavane gumi navaviri ainzi Judhasi Isikarioti akaenda kuvapristi vakuru akati, “Muchandipa chii kana ndikamuturira kwamuri.” Vakamubhadhara makumi matatu emari yesirivha. Kubvira ipapo Judhasi akanga achitsvaka nguva yokuti amutengese nayo. Pazuva rokutanga rechingwa chisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti, “Ndokupi kwamungade kuti tindokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” Iye akati, “Endai muguta panhingi mundoti kwaari, Mudzidzisi ati, ‘Nguva yangu yasvika. Pamba pako ndipo pandichadyira Pasika navadzidzi vangu.’ ” Vadzidzi vakaita sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naJesu. Vakagadzirira Pasika. Ava manheru, Jesu akagara pakudya navadzidzi gumi navaviri. Pavakanga vachidya akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu achanditengesa.” Vakabva vasuruvara kwazvo vakatanga mumwe nomumwe kutaura kwaari vachiti, “Ndini here Tenzi?” Jesu akavapindura achiti, “Uyo aseva mundiro neni, ndiye achanditengesa.” Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu. Zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake. Judhasi, uyo akazomutengesa akati, “Ndini here mudzidzisi?” Jesu akati kwaari, “Inga wazvireva oga wani.” Zvavakanga vari pakudya, Jesu akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kuvadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda ndokuupa kwavari achiti, “Unwei mose nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva rinodeurirwa vazhinji kuti varegererwe zvitadzo.
Mateo 26:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati apedza mashoko iwayo ose, akati kuʋadzidzi ʋake: Munoziʋa kuti kana mazuʋa maʋiri apfuʋura paseka inoȿika, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋatoŋgi, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋaprista ʋakuru, naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuŋgana muruʋazhe rwomuprista mukuru, wainzi Kayafasi. Ʋakaraŋgana kuti ʋaɓate Jesu namano, ʋagomuʋuraya. Asi ʋakati: Ɀirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuʋa neɓope pakati paʋanhu. Ɀino Jesu wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, mumŋe mukadzi akaʋuya kwaari anecinu cearbastera caiʋa necizoro cinomuteŋgo mukuru, akaciɗurura pamusoro wake, agere pakudya. Asi ʋadzidzi ʋake ʋaciɀiʋona, ʋakafa neshuŋgu, ʋakati: Kuparadzwa kwakaɗaro kwaitirweiko? Nokuti cizoro ici ciŋgaɗai cateŋgeswa nemari zhinji, ikapiwa ʋarombo. Asi Jesu, aciɀinzwa, akati kwaʋari: Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira ɓasa rakanaka. Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose, asi ini hamuneni ŋguʋa dzose. Nokuti ɀaakaɗira cizoro ici pamuʋiri waŋgu, wakaɀiitira kuʋigwa kwaŋgu. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evaŋgeri iyi panyika dzose, iɀi ɀakaitwa naye ɀicarebga ʋo, ʋamuraŋgarire naɀo. Ɀino mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wainzi Judasi Iskarioti, wakaenda kuʋaprista ʋakuru, akati: Mucandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri? Ʋakamuyerera masirveri anamakumi matatu. Ɀino kubva ipapo akatȿaka ŋguʋa yakafanira yokumuisa kwaʋari nayo. Nezuʋa rokutaŋga reɀiŋgwa ɀisinembiriso, ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakati: Munoɗa kuti tikugadzirireipiko pamuŋgadya paseka? Akati: Endai muguta kunanyakuti, muti kwaari: Ɀanzi noMudzidzisi: Ŋguʋa yaŋgu yaʋa pedyo; ndicadya paseka paimba yako, naʋadzidzi ʋaŋgu. Ʋadzidzi ʋakaita paʋakarairwa napo naJesu, ʋakagadzira paseka. Aʋa maɗekwana, akagara pakudya naʋadzidzi ʋanegumi naʋaʋiri. Ʋakati ʋacidya, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe wenyu ucandipandukira. Ɀino ʋakaʋa neshuŋgu kwaɀo, ʋakataŋga mumŋe nomumŋe kutaura kwaari, aciti: Ishe, ndini here? Akapindura, akati: Waisa ruʋoko neni mundiro, ndiye ucandipandukira. Mŋanakomana womunhu ucaenda hake, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake; asi unenhamo uyo, Mŋanakomana womunhu waanopandukirwa naye; ɀaiʋa nani kumunhu uyu kana asina‐kuɓerekwa. Ɀino Judasi, uyo wakamupandukira, akapindura, akati: Rabi, ndini here? Akati kwaari: Ndiɀo ɀawataura. Ʋakati ʋodya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, aciti kwaʋari: Torai, mudye; ici ndiwo muʋiri waŋgu. Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, aciti: Inwai mose pauri. Nokuti ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rakaɗururirwa ʋazhinji kuti ʋakaŋganwirwe ɀiʋi.
Mateo 26:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)