Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 26:1-28

Mateo 26:1-28 SUB1949

Jesu wakati apedza mashoko iwayo ose, akati kuʋadzidzi ʋake: Munoziʋa kuti kana mazuʋa maʋiri apfuʋura paseka inoȿika, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋatoŋgi, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋaprista ʋakuru, naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuŋgana muruʋazhe rwomuprista mukuru, wainzi Kayafasi. Ʋakaraŋgana kuti ʋaɓate Jesu namano, ʋagomuʋuraya. Asi ʋakati: Ɀirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuʋa neɓope pakati paʋanhu. Ɀino Jesu wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, mumŋe mukadzi akaʋuya kwaari anecinu cearbastera caiʋa necizoro cinomuteŋgo mukuru, akaciɗurura pamusoro wake, agere pakudya. Asi ʋadzidzi ʋake ʋaciɀiʋona, ʋakafa neshuŋgu, ʋakati: Kuparadzwa kwakaɗaro kwaitirweiko? Nokuti cizoro ici ciŋgaɗai cateŋgeswa nemari zhinji, ikapiwa ʋarombo. Asi Jesu, aciɀinzwa, akati kwaʋari: Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira ɓasa rakanaka. Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose, asi ini hamuneni ŋguʋa dzose. Nokuti ɀaakaɗira cizoro ici pamuʋiri waŋgu, wakaɀiitira kuʋigwa kwaŋgu. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evaŋgeri iyi panyika dzose, iɀi ɀakaitwa naye ɀicarebga ʋo, ʋamuraŋgarire naɀo. Ɀino mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wainzi Judasi Iskarioti, wakaenda kuʋaprista ʋakuru, akati: Mucandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri? Ʋakamuyerera masirveri anamakumi matatu. Ɀino kubva ipapo akatȿaka ŋguʋa yakafanira yokumuisa kwaʋari nayo. Nezuʋa rokutaŋga reɀiŋgwa ɀisinembiriso, ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakati: Munoɗa kuti tikugadzirireipiko pamuŋgadya paseka? Akati: Endai muguta kunanyakuti, muti kwaari: Ɀanzi noMudzidzisi: Ŋguʋa yaŋgu yaʋa pedyo; ndicadya paseka paimba yako, naʋadzidzi ʋaŋgu. Ʋadzidzi ʋakaita paʋakarairwa napo naJesu, ʋakagadzira paseka. Aʋa maɗekwana, akagara pakudya naʋadzidzi ʋanegumi naʋaʋiri. Ʋakati ʋacidya, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe wenyu ucandipandukira. Ɀino ʋakaʋa neshuŋgu kwaɀo, ʋakataŋga mumŋe nomumŋe kutaura kwaari, aciti: Ishe, ndini here? Akapindura, akati: Waisa ruʋoko neni mundiro, ndiye ucandipandukira. Mŋanakomana womunhu ucaenda hake, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake; asi unenhamo uyo, Mŋanakomana womunhu waanopandukirwa naye; ɀaiʋa nani kumunhu uyu kana asina‐kuɓerekwa. Ɀino Judasi, uyo wakamupandukira, akapindura, akati: Rabi, ndini here? Akati kwaari: Ndiɀo ɀawataura. Ʋakati ʋodya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, aciti kwaʋari: Torai, mudye; ici ndiwo muʋiri waŋgu. Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, aciti: Inwai mose pauri. Nokuti ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rakaɗururirwa ʋazhinji kuti ʋakaŋganwirwe ɀiʋi.

Verenga chikamu Mateo 26