Mateo 20:17-34
Mateo 20:17-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Jesu paakanga achikwira kuenda kuJerusarema, akatora vadzidzi vake gumi navaviri parutivi akati kwavari, “Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vagomuisa kune veDzimwe Ndudzi kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!” Ipapo mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu navanakomana vavo, vakapfugama pamberi pake vaine chikumbiro. Akabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “Itaiwo kuti mumwe wavanakomana vangu vaviri ava agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.” Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?” Vakapindura vachiti, “Tinogona.” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchanwa mumukombe wangu, asi zvokuti mugare kurudyi kana kuruboshwe rwangu, handisini ndinopa. Nzvimbo idzi ndedzaavo vakadzigadzirirwa naBaba vangu.” Vane gumi vakati vanzwa izvi vakatsamwira mukoma nomununʼuna ava. Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi veveDzimwe Ndudzi vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo. Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu, sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.” Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera. Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge opfuura nepo vakadanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakapindura vachiti, “Ishe, tinoda kuona.” Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.
Mateo 20:17-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati okwira Jerusaremu, akatora vadzidzi vake vane gumi navaviri vari voga, akati kwavari panzira, “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori, vachamutongera rufu. “Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, aroveswe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu achamutswazve.” Zvino mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari navanakomana vavo, vachimupfugamira, kuzokumbira chinhu kwaari. Akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rayirai, kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kurudyi rwenyu, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.” Asi Jesu akapindura, akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mukombe pandinozonwira ini, here?” Vakati kwaari, “Tingagona.” Akati kwavari, “Muchanwira henyu mukombe wangu, asi kugara kurudyi, nokuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.” Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vaviri vana vomunhu mumwe. Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. Ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. Zvakaita soMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshandirwa, asi kushandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera. Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu opfuura, akadanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” Vanhu vazhinji vakaarayira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Akati kwaari, “Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.” Jesu akaanzwira tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera.
Mateo 20:17-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakanga achikwira kuJerusaremu akatora vadzidzi gumi navaviri pachavo voga. Vari panzira akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Mwanakomana womunhu achaturirwa mumaoko avapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo. Vachamutongera rufu, vachimuisa mumaoko evechirudzi kuti anyombwe nokurohwa zvakanyanya achizorovererwa pamuchinjikwa asi iye achamutswa nezuva retatu.” Amai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari nevanakomana vavo vakapfugama pamberi pake vakaisa chichemo chavo. Jesu akavati, “Munodeiko?” Ivo vakati kwaari, “Itai kuti, muumambo hwenyu, vanakomana vangu ava vaviri vagare vakati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” Jesu akapindura achiti, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munogona here kunwa mukombe wamatambudziko wandichanwa.” Vakati kwaari, “Tinogona.” Iye akati kwavari, “Kunwa mukombe wandichanwa, muchaunwa, asi zvokugara kurudyi rwangu nokuruboshe rwangu handisini ndinozvipa, asi ndokweavo vakakugadzirirwa naBaba vangu.” Vamwe gumi vaya pavakazvinzwa vakashatirirwa mukoma nomunun'una vaya. Jesu akavadaidza akati kwavari, “Munozviziva imi kuti vatongi vechirudzi, pakutonga, vanoita zvomukundo uye vakuru vakuru vavo vanoita zvechisimba. Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, anofanira kuva muranda wenyu. Kunyange Mwanakomana womunhu, haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira vamwe uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.” Jesu navadzidzi vake pavakanga vavakubuda muJeriko vakateverwa negurumwandira ravanhu. Havo varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ari kupfuura nepo vakadaidzira vachiti, “Tinzwireiwo tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi.” Vanhu vazhinji vaya vakavatsiura vachivataurira kuti vanyarare, asi ivo vakatonyanya kudaidzira vachiti, “Tenzi Mwanakomana waDhavhidhi tinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akavadaidza achiti, “Chii chamunoda kuti ndikuitirei?” Ivo vakati kwaari, “Tenzi, itai kuti maziso edu azaruke.” Jesu akavanzwira tsitsi akabata maziso avo. Pakarepo, ndokubva vava kuona vakamutevera.
Mateo 20:17-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri ʋari ʋoga, akati kwaʋari panzira: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋaprista ʋakuru naʋanyori, ʋacamutoŋgera rufu. Ʋacamuisa kuʋahedeni, kuti asekwe, aroʋeswe, aroʋerwe pamucinjikwa, asi nezuʋa retatu ucamutswa ɀe. Ɀino mai ʋaʋanakomana ʋaZebedi ʋakaʋuya kwaari naʋanakomana ʋaʋo, ʋacimunamata, kuzokumbira cinhu kwaari. Akati kwaʋari: Munotȿakeiko? Ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋanakomana ʋaŋgu aʋa ʋaʋiri ʋagare, mumŋe kuruʋoko rwenyu rworudyi, mumŋe kuruɓoshwe, muʋushe bgenyu. Asi Jesu akapindura, akati: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Ʋakati kwaari: Tiŋgagona. Akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe waŋgu, asi kugara kuruʋoko rwaŋgu rworudyi, nokuruɓoshwe, handizini ndinopa, asi ndeɀaʋakaɀigadzirirwa iɀo naƂaɓa ʋaŋgu. Ʋanegumi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatsamŋira aʋo ʋana ʋaʋiri ʋomunhu mumŋe. Asi Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati: Munoziʋa kuti macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo. Pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu. Aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda wenyu. Ɀakaita soMŋanakomana womunhu usina‐kuʋuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa ʋupenyu bgake ruʋe rudzikinuro rwaʋazhinji. Ʋakati ʋacibva Jeriko, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera. Ɀino tarira, mapofu maʋiri akaŋga agere panzira, akati acinzwa kuti Jesu wopfuʋura, akaɗanidzira, aciti: Ishe, Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni! Ʋanhu ʋazhinji ʋakaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kuɗanidzira, aciti: Ishe, Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni! Ipapo Jesu akamira, akaaɗana, akati: Munoɗa kuti ndikuitireiko? Akati kwaari: Ishe, kuti meso eɗu aȿinudzwe. Jesu akaanzwira tsitsi, akaɓata meso awo; pakarepo akaȿinudzwa, akamuteʋera.
Mateo 20:17-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)