Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri ʋari ʋoga, akati kwaʋari panzira: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋaprista ʋakuru naʋanyori, ʋacamutoŋgera rufu. Ʋacamuisa kuʋahedeni, kuti asekwe, aroʋeswe, aroʋerwe pamucinjikwa, asi nezuʋa retatu ucamutswa ɀe.
Ɀino mai ʋaʋanakomana ʋaZebedi ʋakaʋuya kwaari naʋanakomana ʋaʋo, ʋacimunamata, kuzokumbira cinhu kwaari. Akati kwaʋari: Munotȿakeiko? Ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋanakomana ʋaŋgu aʋa ʋaʋiri ʋagare, mumŋe kuruʋoko rwenyu rworudyi, mumŋe kuruɓoshwe, muʋushe bgenyu. Asi Jesu akapindura, akati: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Ʋakati kwaari: Tiŋgagona. Akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe waŋgu, asi kugara kuruʋoko rwaŋgu rworudyi, nokuruɓoshwe, handizini ndinopa, asi ndeɀaʋakaɀigadzirirwa iɀo naƂaɓa ʋaŋgu. Ʋanegumi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatsamŋira aʋo ʋana ʋaʋiri ʋomunhu mumŋe. Asi Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati: Munoziʋa kuti macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo. Pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu. Aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda wenyu. Ɀakaita soMŋanakomana womunhu usina‐kuʋuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa ʋupenyu bgake ruʋe rudzikinuro rwaʋazhinji.
Ʋakati ʋacibva Jeriko, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera. Ɀino tarira, mapofu maʋiri akaŋga agere panzira, akati acinzwa kuti Jesu wopfuʋura, akaɗanidzira, aciti: Ishe, Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni! Ʋanhu ʋazhinji ʋakaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kuɗanidzira, aciti: Ishe, Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni! Ipapo Jesu akamira, akaaɗana, akati: Munoɗa kuti ndikuitireiko? Akati kwaari: Ishe, kuti meso eɗu aȿinudzwe. Jesu akaanzwira tsitsi, akaɓata meso awo; pakarepo akaȿinudzwa, akamuteʋera.