Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 20:17-34

Mateu 20:17-34 SNA2002

Jesu akati okwira Jerusaremu, akatora vadzidzi vake vane gumi navaviri vari voga, akati kwavari panzira, “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori, vachamutongera rufu. “Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, aroveswe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu achamutswazve.” Zvino mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari navanakomana vavo, vachimupfugamira, kuzokumbira chinhu kwaari. Akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rayirai, kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kurudyi rwenyu, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.” Asi Jesu akapindura, akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mukombe pandinozonwira ini, here?” Vakati kwaari, “Tingagona.” Akati kwavari, “Muchanwira henyu mukombe wangu, asi kugara kurudyi, nokuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.” Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vaviri vana vomunhu mumwe. Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. Ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. Zvakaita soMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshandirwa, asi kushandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera. Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu opfuura, akadanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” Vanhu vazhinji vakaarayira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Akati kwaari, “Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.” Jesu akaanzwira tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera.

Verenga chikamu Mateu 20