Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 20:17-34

Mateu 20:17-34 SCLB

Jesu paakanga achikwira kuJerusaremu akatora vadzidzi gumi navaviri pachavo voga. Vari panzira akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Mwanakomana womunhu achaturirwa mumaoko avapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo. Vachamutongera rufu, vachimuisa mumaoko evechirudzi kuti anyombwe nokurohwa zvakanyanya achizorovererwa pamuchinjikwa asi iye achamutswa nezuva retatu.” Amai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari nevanakomana vavo vakapfugama pamberi pake vakaisa chichemo chavo. Jesu akavati, “Munodeiko?” Ivo vakati kwaari, “Itai kuti, muumambo hwenyu, vanakomana vangu ava vaviri vagare vakati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” Jesu akapindura achiti, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munogona here kunwa mukombe wamatambudziko wandichanwa.” Vakati kwaari, “Tinogona.” Iye akati kwavari, “Kunwa mukombe wandichanwa, muchaunwa, asi zvokugara kurudyi rwangu nokuruboshe rwangu handisini ndinozvipa, asi ndokweavo vakakugadzirirwa naBaba vangu.” Vamwe gumi vaya pavakazvinzwa vakashatirirwa mukoma nomunun'una vaya. Jesu akavadaidza akati kwavari, “Munozviziva imi kuti vatongi vechirudzi, pakutonga, vanoita zvomukundo uye vakuru vakuru vavo vanoita zvechisimba. Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, anofanira kuva muranda wenyu. Kunyange Mwanakomana womunhu, haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira vamwe uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.” Jesu navadzidzi vake pavakanga vavakubuda muJeriko vakateverwa negurumwandira ravanhu. Havo varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ari kupfuura nepo vakadaidzira vachiti, “Tinzwireiwo tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi.” Vanhu vazhinji vaya vakavatsiura vachivataurira kuti vanyarare, asi ivo vakatonyanya kudaidzira vachiti, “Tenzi Mwanakomana waDhavhidhi tinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akavadaidza achiti, “Chii chamunoda kuti ndikuitirei?” Ivo vakati kwaari, “Tenzi, itai kuti maziso edu azaruke.” Jesu akavanzwira tsitsi akabata maziso avo. Pakarepo, ndokubva vava kuona vakamutevera.

Verenga chikamu Mateu 20