Mateo 1:21-23
Mateo 1:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.” Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti: “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ”
Mateo 1:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye achazvara mwanakomana, agomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.” Izvozvo zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarehwa naIshe, nomuromo womuporofita, achiti, “Tarira, mhandara ichava nepamuviri, ichazvara mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri;” ndokuti, “Kana zvichishandurwa, Mwari anesu.”
Mateo 1:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Achapona Mwanakomana waunofanira kutumidza zita rokuti Jesu nokuti achaponesa vanhu vake kuzvitadzo zvavo.” Zvose izvi zvakaitika kuzadzisa zvakanga zvataurwa naTenzi nomuromo womuporofita uya zvokuti: “Tarirai, mhandara ichava napamuviri ichizobereka mwana mukomana. Zita rake richazonzi Imanueri” (zvinoreva kuti Mwari Anesu.)
Mateo 1:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye ucaponesa ʋanhu ʋake paɀiʋi ɀaʋo. Iɀoɀo ɀose ɀakaitwa kuti ɀiitike ɀakarebga naShe, nomuromo womuprofita, aciti: Tarira, mhandara icaʋa nemimba, icaɀara mŋanakomana, Ʋacamutumidza zita rinonzi Emanueri; ndokuti kana ɀicishandurwa: Mŋari unesu.
Mateo 1:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)