Ruka 9:37-62
Ruka 9:37-62 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Fume mangwana, pavakaburuka mugomo, vazhinji zhinji vakasangana naye. Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndinokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu. Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.” Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.” Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake. Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari. Vanhu vose pavakanga vachakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake, “Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.” Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo. Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani. Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake. Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.” Johani akati, “Tenzi, takaona mumwe murume achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.” Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti ani naani asingapesani nemi ndowenyu.” Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema. Uye akatuma nhume pamberi pake, dzikapinda mumusha weSamaria kundofanomugadzirira zvinhu; asi vanhu voko havana kumugamuchira, nokuti akanga ava kuenda kuJerusarema. Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?” Asi Jesu akatendeuka akavatsiura, uye akabva akaenda kuno mumwe musha. Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe murume akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.” Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.” Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.” Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.” Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.” Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”
Ruka 9:37-62 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nezuva rinotevera vakati vaburuka mugomo, vazhinji-zhinji vakamugamuchira. Zvino mumwe murume pakati pavazhinji akadana, akati, “Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu, nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga. Tarirai, mweya unomubata, zvino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomurwadzisa zvikuru. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.” Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai mwoyo murefu? Uya pano nomwanakomana wako.” Akati achauya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakarayira mweya wakaipa, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake. Vose vakashamiswa noukuru hwaMwari. Zvino vose vachashamiswa nezvose zvaakaita, akati kuvadzidzi vake, “Mashoko awa ngaapinde munzeve dzenyu; nokuti Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu.” Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakuvanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku. Zvino nharo dzikamuka pakati pavo, kuti ndiani mukuru kwavari. Asi Jesu, zvaakanga achiziva kufunga kwemwoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake, akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muduku muzita rangu, anondigamuchira ini, uye ani naani anondigamuchira ini, anogamuchira akandituma; nokuti muduku kwamuri mose, ndiye mukuru.” Johani akapindura, akati, “Tenzi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.” Asi Jesu akati kwaari, “Musamudzivisa; nokuti asingapesani nemi, anemi.” Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, akaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusaremu, akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira. Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusaremu. Vadzidzi vake, Jakobho naJohani, vakati vachizviona, vakati, “Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze here?” Asi iye akatendeuka, akavarayira. Ipapo vakaenda kune mumwe musha. Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari, “Ndichakuteverai pose pamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Mhungubwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Akati kune mumwe, “Nditevere.” Iye akati, “Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.” Asi iye akati kwaari, “Rega, vakafa ngavavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza ushe hwaMwari.” Mumwezve akati, “Ndichakuteverai Ishe, asi munditendere henyu ndimbondoonekana navari mumba mangu.” Asi Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu angati kana aisa ruoko rwake pabadza, akacheukira shure, angafanirwa noushe hwaMwari.”
Ruka 9:37-62 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva rakatevera racho, pavaiburuka mugomo, gungano guru rakasangana naye. Hoyo mumwe murume akadaidzira mugungano iroro achiti, “Mudzidzisi ndapota ndionereiwo mwanakomana wangu anongova ndiye mwana wangu mumwechete oga. Zvino mweya unongomubata obva ava kuzhamba uchimugwigwinisa kusvikira ava kupupa furo. Unomurwadzisa usingambomusiya. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kukwanisa.” Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi urwu, rudzi rusingatendi! Rudzi rwakarasika zvarwo, ndichava nemi kusvikira rinhiko ndichikuitirai mwoyo murefu? Chiuyai nomwana wenyu kuno.” Paakanga achiuya, mweya wakaipa wakamurigira pasi ukamupfurupfutisa. Jesu akatsiura mweya wetsvina akaporesa mukomana uya akamupa kuna baba vake. Vose vakakatyamadzwa noukuru hwaMwari. Pavakanga vachiri kushamiswa kudaro nezvose zvaakaita akati kuna vadzidzi vake. Regai mazwi aya anyatsopinda munzeve dzenyu okuti, “Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu.” Asi ivo havana kuzvinzwisisa zvaakataura kwavari. Zvakanga zvakavanzwa kwavari kuti varege kuzvinzwisisa uye vaitya kumubvunza zvaaitaura izvi. Pakamuka nharo pakati pavo yokuti ndiani mukuru kupinda vose. Jesu paakaona pfungwa dzaiva mumwoyo mavo akatora mwana muduku akamuisa parutivi pake. Akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muzita rangu anogamuchira ini uyewo ani naani anondigamuchira anogamuchirawo uyo akandituma nokuti uyo anenge ari muduku wokupedzisira pakati penyu mose ndiye mukuru iyeyo.” Johani akadavirawo woti, “Tenzi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti haasi wenzira imwechete nesu.” Jesu akati kwaari, “Musamurambidze nokuti munhu asingapikisani nemi ari kudivi kwenyu.” Mazuva paakanga osvika okuti Jesu achikwidzwa kudenga, akananga kuJerusaremu. Akatuma nhume pamberi pake dzakaenda dzikapinda munomumwe musha wavaSamaria kuti vamugadzirire. Asi vanhu ivavo havana kuda kumugamuchira nokuti akanga akananga kuJerusaremu. Vadzidzi vake, vana Jemusi naJohani pavakazviona vakati, “Tenzi munoda here kuti titi moto utozomoke kudenga uvaroromese?” Asi akatendeuka akavatsiura vakabva vaenda kunomumwe musha. Pavainge vachifamba nenzira, mumwe murume akati kwaari, “Ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru uye shiri dzedenga dzina matendere asi Mwanakomana womunhu haana kana pokutsamira musoro wake.” Akatiwo kunomumwe, “Nditevere.” Asi iye akati, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” Asi iye akamuti, “Rega vafi vavige vakafa vavo. Chako iwe kuenda kundoparidza umambo hwaMwari.” Mumwewo akati, “Ndichakuteverai, Tenzi, asi regai nditange ndambondoonekana nevari kumusha kwangu.” Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu anobata gejo asi iye achicheuka shure angakodzere umambo hwaMwari.”
Ruka 9:37-62 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nezuʋa rinoteʋera ʋakati ʋaɓuruka mugomo, ʋazhinji‐zhinji ʋakamugamucira. Ɀino mumŋe murume pakati paʋazhinji wakaɗana, akati: Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mŋanakomana waŋgu, nokuti ndiye mŋana waŋgu mumŋe woga. Tarirai, mŋeya unomuɓata, ɀino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, acipupuma furo; hauɗi kumurega, asi unomurwadzisa ɀikuru. Ndakakumbira kuʋadzidzi ʋenyu kuti ʋauɓuɗise, ʋakasagona. Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka; ndicagara nemi kuȿikira riniko, nokukuitirai mŋoyo murefu? Ʋuya pano nomŋanakomana wako. Akati acaʋuya, mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa ɀikuru. Asi Jesu wakaraira mŋeya wetȿina, akaporesa mŋana, akamudzosera kunaɓaɓa ʋake. Ʋose ʋakashamiswa noʋukuru bgaMŋari. Ɀino ʋose ʋacashamiswa neɀose ɀaakaita, akati kuʋadzidzi ʋake: Mashoko awa ŋgaapinde munzeʋe dzenyu; nokuti Mŋanakomana womunhu ucaiswa mumaʋoko aʋanhu. Asi iʋo haʋana‐kunzwisisa kutaura uku; ʋakaŋga ʋakuʋanzirwa, kuti ʋarege kukunzwisisa; ʋakatya kumubvunza pamsoro pokutaura uku. Ɀino nharo dzikamuka pakati paʋo, kuti ndiani mukuru kwaʋari. Asi Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa kufuŋga kwemŋoyo yaʋo, akatora mŋana muɗuku, akamuisa parutiʋi rwake, akati kwaʋari: Aninani unogamucira mŋana uyu muɗuku muzita raŋgu, unondigamucira ini, ʋuye aninani unondigamucira ini, unogamucira wakandituma; nokuti muɗuku kwamuri mose, ndiye mukuru. Johane akapindura, akati: Tenzi, taʋona munhu aciɓuɗisa mŋeya yakaipa muzita renyu, tikamudziʋisa, nokuti haateʋeri nesu. Asi Jesu akati kwaari: Musamudziʋisa; nokuti usiŋgapesani nemi, unemi. Mazuʋa okukwidzwa kwake akati osweɗera, wakaramba akarinzira ciso cake kuenda Jerusarema, akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha waʋaSamaria kundomugadzirira. Asi haʋana‐kumugamucira, nokuti ciso cake cakaŋga cakariŋgira Jerusarema. Ʋadzidzi ʋake, Jakobo naJohane, ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakati: Ishe, munoɗa kuti titi mŋoto uɓuruke kuɗeŋga, uʋaparadze here? Asi iye wakatendeʋuka, akaʋaraira. Ipapo ʋakaenda kunomumŋe musha. Ɀino ʋakati ʋacifamba munzira, mumŋe munhu akati kwaari: Ndicakuteʋerai pose pamunoenda. Jesu akati kwaari: Mhuŋgubge dzinemŋena, neshiri dzokuɗeŋga dzinamatendere, asi Mŋanakomana womunhu haana‐paaŋgatsamidza musoro wake. Akati kunomumŋe: Nditeʋere. Iye akati: Nditenderei henyu ndimbondoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu. Asi iye akati kwaari: Rega, ʋakafa ŋgaʋaʋige ʋakafa ʋaʋo; asi iwe, enda undoparidza ʋushe bgaMŋari. Mumŋe ɀe akati: Ndicakuteʋerai Ishe, asi munditenderei henyu ndimbondowonekana naʋari mumba maŋgu. Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu uŋgati kana aisa ruʋoko rwake paɓadza, akaceukira shure, uŋgafanirwa noʋushe bgaMŋari.
Ruka 9:37-62 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)