Nezuʋa rinoteʋera ʋakati ʋaɓuruka mugomo, ʋazhinji‐zhinji ʋakamugamucira. Ɀino mumŋe murume pakati paʋazhinji wakaɗana, akati: Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mŋanakomana waŋgu, nokuti ndiye mŋana waŋgu mumŋe woga. Tarirai, mŋeya unomuɓata, ɀino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, acipupuma furo; hauɗi kumurega, asi unomurwadzisa ɀikuru. Ndakakumbira kuʋadzidzi ʋenyu kuti ʋauɓuɗise, ʋakasagona. Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka; ndicagara nemi kuȿikira riniko, nokukuitirai mŋoyo murefu? Ʋuya pano nomŋanakomana wako. Akati acaʋuya, mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa ɀikuru. Asi Jesu wakaraira mŋeya wetȿina, akaporesa mŋana, akamudzosera kunaɓaɓa ʋake. Ʋose ʋakashamiswa noʋukuru bgaMŋari.
Ɀino ʋose ʋacashamiswa neɀose ɀaakaita, akati kuʋadzidzi ʋake: Mashoko awa ŋgaapinde munzeʋe dzenyu; nokuti Mŋanakomana womunhu ucaiswa mumaʋoko aʋanhu. Asi iʋo haʋana‐kunzwisisa kutaura uku; ʋakaŋga ʋakuʋanzirwa, kuti ʋarege kukunzwisisa; ʋakatya kumubvunza pamsoro pokutaura uku.
Ɀino nharo dzikamuka pakati paʋo, kuti ndiani mukuru kwaʋari. Asi Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa kufuŋga kwemŋoyo yaʋo, akatora mŋana muɗuku, akamuisa parutiʋi rwake, akati kwaʋari: Aninani unogamucira mŋana uyu muɗuku muzita raŋgu, unondigamucira ini, ʋuye aninani unondigamucira ini, unogamucira wakandituma; nokuti muɗuku kwamuri mose, ndiye mukuru.
Johane akapindura, akati: Tenzi, taʋona munhu aciɓuɗisa mŋeya yakaipa muzita renyu, tikamudziʋisa, nokuti haateʋeri nesu. Asi Jesu akati kwaari: Musamudziʋisa; nokuti usiŋgapesani nemi, unemi.
Mazuʋa okukwidzwa kwake akati osweɗera, wakaramba akarinzira ciso cake kuenda Jerusarema, akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha waʋaSamaria kundomugadzirira. Asi haʋana‐kumugamucira, nokuti ciso cake cakaŋga cakariŋgira Jerusarema. Ʋadzidzi ʋake, Jakobo naJohane, ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakati: Ishe, munoɗa kuti titi mŋoto uɓuruke kuɗeŋga, uʋaparadze here? Asi iye wakatendeʋuka, akaʋaraira. Ipapo ʋakaenda kunomumŋe musha.
Ɀino ʋakati ʋacifamba munzira, mumŋe munhu akati kwaari: Ndicakuteʋerai pose pamunoenda. Jesu akati kwaari: Mhuŋgubge dzinemŋena, neshiri dzokuɗeŋga dzinamatendere, asi Mŋanakomana womunhu haana‐paaŋgatsamidza musoro wake. Akati kunomumŋe: Nditeʋere. Iye akati: Nditenderei henyu ndimbondoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu. Asi iye akati kwaari: Rega, ʋakafa ŋgaʋaʋige ʋakafa ʋaʋo; asi iwe, enda undoparidza ʋushe bgaMŋari. Mumŋe ɀe akati: Ndicakuteʋerai Ishe, asi munditenderei henyu ndimbondowonekana naʋari mumba maŋgu. Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu uŋgati kana aisa ruʋoko rwake paɓadza, akaceukira shure, uŋgafanirwa noʋushe bgaMŋari.