Ruka 6:1-26
Ruka 6:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho. Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?” Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake? Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.” Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.” Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara. VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata. Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo. Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?” Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka. Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu. Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari. Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori: Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro), mununʼuna wake Andirea, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti, Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki. Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye navanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni, vakanga vauya kuzomunzwa uyewo kuti vazoporeswa pazvirwere zvavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa, uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari richivaporesa vose. Akatarira kuvadzidzi vake, akati: “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu. Makaropafadzwa imi vane nzara zvino, nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka. Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai, vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu vachiti rakaipa, nokuda kwoMwanakomana woMunhu. “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo. “Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare. Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imi vanoseka zvino, nokuti muchaungudza uye muchachema. Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.
Ruka 6:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nomusi weSabata akafamba napakati peminda yezviyo; vadzidzi vake vakatanha hura, vakadya, vachidzipukuta namaoko. Zvino vamwe vavaFarisi vakati kwavari, “Munoitireiko zvisina kutenderwa kuitwa nomusi weSabata?” Jesu akavapindura, akati, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye; kuti akapinda mumba maMwari, akatora zvingwa zvokuratidza, akazvidya, akapawo vakanga vanaye, izvo zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga?” Akati kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.” Zvino neimwe Sabata akapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kune munhu ipapo akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. Vanyori navaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angamuporesa nomusi weSabata, kuti vawane pavangamupomera mhosva napo. Asi iye akaziva mifungo yavo, akati kumunhu akanga anoruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire pakati pavanhu.” Akasimuka, akamira. Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzai shoko iri, zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa neSabata, kuponesa munhu, kana kumuuraya?” Ipapo akaringa-ringa achivatarira vose, akati kwaari, “Tambanudza ruoko rwako.” Akadaro, ruoko rwake rukavandudzwa. Zvino vakatsamwa kwazvo, vakarangana vose kuti Jesu vangamuitei. Namazuva iwayo akabudira kugomo kundonyengetera, akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari. Zvino kwakati kwaedza, akadana vadzidzi vake; akasarudza kwavari vane gumi navaviri vaakatumidza zita rokuti vapostori; Simoni, waakatumidzao Petirosi, naAndireya, munun'una wake, naJakobho, naJohani, naFiripi, naBhatoromeo, naMateu, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArifeo, naSimoni, ainzi Zerote; naJudhasi mwanakomana waJakobho; naJudhasi Isikarioti, akazomupandukira. Akaburuka navo, akamira pakati chechetere, navadzidzi vake vazhinji, navanhu vazhinji-zhinji, vaibva Judhea yose neJerusaremu, napamhenderekedzo yegungwa reTire neSidhoni, vakanga vauya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzavo. Navakanga vachitambudzika nemweya yakan'ora vakaporeswa. Vanhu vazhinji vose vakatsvaka kumunyangata, nokuti simba rakabuda kwaari rikavaporesa vose. Zvino akatarisisa vadzidzi vake, akati, “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti ushe hwaMwari ndohwenyu. “Makaropafadzwa imi mune nzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka. “Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, vachikudzingai, vachikuzvidzai, vachirasa zita renyu sechinhu chakashata, nokuda kwoMwanakomana womunhu. Farai nezuva iro, mupembere, nokuti tarirai, mubayiro wenyu kudenga mukuru; nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita zvakadaro. Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu. Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchava nenzara. Mune nhamo imi munoseka zvino, nokuti muchachema nokuungudza. “Mune nhamo kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro.
Ruka 6:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvakazoitika kuti nomumwe musi weSabata Jesu aifamba napakati peminda yekoroni, vadzidzi vake vaipurura hura dzekoroni vachidzipukutira mumaoko vachidya. Vamwe vavaFarisei vakati, “Munoitirei zvisingabvumirwi nomusi weSabata?” Jesu akavapindura akati, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi uya waakanga oziya iye navanhu vaaiva navo, kuti akapinda mumba yaMwari akatora zvingwa zvakasumwa kuna Mwari akazvidya akapawo vaaiva navo kunyange zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kusiya vapristi voga?” Ndokuti kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiMambo weSabata.” Zvakaitikazve kuti nerimwe Sabata Jesu akapinda musinagogu akadzidzisa, imomo maiva nomunhu akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakanyatsomutarisisa vachida kuona kuti angaporese here nezuva reSabata, kuti vawane mhosva yokumubata nayo. Asi iye akaziva zvavaifunga ndokuti kumunhu uya akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire apa.” Munhu uya ndiye kwanyanu, omira. Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinoda kumbokubvunzai, zvinobvumirwa here, pamusi weSabata, kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu hwomunhu kana kuti kuhuparadza?” Akaringa–ringa achitarisa vose ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akabva aita saizvozvo; ruoko rwake rukabva rwatasamuka. Asi ivo vakashatirwa zvikuru chaizvo vakarangana kuti vangaitei naJesu. Pamazuva iwayo Jesu akabuda akaenda kugomo kundonamata. Akapedza usiku hwose achinamata kuna Mwari. Kuzoti kwaedza, akadana vadzidzi vake akasarudza pakati pavo gumi navaviri, vaakatumidza zita rokuti vapositori. Kunoti Simoni waakatumidza zita rokuti Pita, naAndireya munun'una wake, kwoti Jemusi, naJohani, kwozoti Firipi, naBhatoromeo, tevere Mateu, naTomasi, kwouya Jemusi mwana waArifeo, naSimoni muZiroti, Ndokuzouyawo Judhasi mwana waJemusi, naJudhasi Isikariyoti uya akazova mupanduki. Zvino akaburuka navo akandomira panzvimbo yakati chechetere aina vadzidzi vake vazhinji nechita chikuru chavanhu vakabva muJudhea yose nomuJerusaremu nomunyika yeTire neSidhoni iri pedyo negungwa, vakanga vauya kuzonzwa zvaaitaura nokuporeswa matenda avo. Uye vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa vakaporeswa. Vanhu vose vaivapo vaivavarira kumubata nokuti simba rakanga richibuda maari richiporesa vose. Zvino Jesu akatarisa vadzidzi vake ndokuti, “Makakomborerwa zvenyu imi varombo nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu. “Makakomborerwa zvenyu imi mune nzara zvino nokuti muchazogutswa. Makakomborerwa imi munochema zvino nokuti muchazoseka. “Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikuvengai, vasingadi kufambidzana nemi, vachikunyombai vachiipisa zita renyu, sechinhu chakaipa, pamusana poMwanakomana womunhu! Farai pazuva iroro, muchipembera nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndinodaro nokuti ndizvozvowo zvakaita madzibaba avo kuna vaporofita. “Asi zvichakuwanai imi vapfumi nokuti kugarika kwamunako ndikoko kwese kwamatowana. “Zvichakuwanai imi munamaguta zvino nokuti muchazova nenzara. Zvichakuwanai imi munoseka zvino nokuti muchasuruvara nokuchema. “Zvichakuwanai imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka nezvenyu nokuti ndizvozvowo zvakaita madzitateguru avo kuna vaporofita venhema.
Ruka 6:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nomusi wesaɓata wakafamba napakati peminda yeɀiyo; ʋadzidzi ʋake ʋakatanha hura, ʋakadya, ʋacidzipukuta namaʋoko. Ɀino ʋamŋe ʋaʋaFarise ʋakati kwaʋari: Munoitireiko ɀisina‐kutenderwa kuitwa nomusi wesaɓata? Jesu akaʋapindura, akati: Ko hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye; kuti wakapinda mumba maMŋari, akatora ɀiŋgwa ɀokuratidza, akaɀidya, akapa ʋo ʋakaŋga ʋanaye, iɀo ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa, asi naʋaprista ʋoga? Akati kwaʋari: Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo. Ɀino neimŋe saɓata wakapinda musinagoge, akadzidzisa; ɀino kwakaŋga kunomunhu ipapo wakaŋga anoruʋoko rworudyi rwakawonyana. Ʋanyori naʋaFarise ʋakamutarisisa, kuʋona kana aŋgamuporesa nomusi wesaɓata, kuti ʋawane paʋaŋgamupomera mhoȿa napo. Asi iye wakaziʋa mifuŋgo yaʋo, akati kumunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati paʋanhu. Akasimuka, akamira. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ndinokubvunzai shoko iri: Ɀakatenderwa here kuita ɀakanaka kana ɀakaipa nesaɓata, kuponesa munhu, kana kuʋuraya? Ipapo akariŋga‐riŋga aciʋatarira ʋose, akati kwaari: Tambanudza ruʋoko rwako. Akaɗaro, ruʋoko rwake rukaʋandudzwa. Ɀino ʋakatsamŋa kwaɀo, ʋakaraŋgana ʋose kuti Jesu ʋaŋgamuitei. Namazuʋa iwayo wakaɓuɗira kugomo kundonyeŋgetera, akapedza ʋusiku bgose pakunyeŋgetera kunaMŋari. Ɀino kwakati kwaedza, akaɗana ʋadzidzi ʋake; akasanaŋgura kwaʋari ʋanegumi naʋaʋiri, ʋaakatumidza zita rokuti ʋaapostora; Simoni, waakatumidza ʋo Petro, naAndrea, munuŋuna wake, naJakobo, naJohane, naFiripo, naBartoromeo, naMateo, naTomasi, naJakobo mŋanakomana waArfeo, naSimoni, wainzi Zerote; naJudasi mŋanakomana waJakobo; naJudasi Iskarioti, wakazomupandukira. Akaɓuruka naʋo, akamira pakati cecetere, naʋadzidzi ʋake ʋazhinji, naʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋaibva Judea rose neJerusarema, napamhenderekedzo yeguŋgwa reTire neSidoni, ʋakaŋga ʋaʋuya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzaʋo. Naʋakaŋga ʋacitambudzika nemŋeya yetȿina ʋakaporeswa. Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakatȿaka kumunyaŋgata, nokuti simba rakaɓuɗa kwaari rikaʋaporesa ʋose. Ɀino wakatarisisa ʋadzidzi ʋake, akati: Makaropafadzwa imi ʋarombo, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgenyu. Makaropafadzwa imi munenzara ɀino, nokuti mucagutiswa. Makaropafadzwa imi munocema ɀino, nokuti mucaseka. Makaropafadzwa, kana ʋanhu ʋacikuʋeŋgai, ʋacikudziŋgai, ʋacikuɀidzai, ʋacirasha zita renyu secinhu cakashata, nokuɗa kwoMŋanakomana womunhu. Farai nezuʋa iro, mupembere, nokuti tarirai, muɓairo wenyu kuɗeŋga mukuru; nokuti madziɓaɓa aʋo akaitira ʋaprofita ɀakaɗaro. Asi munenhamo imi ʋafumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu. Munenhamo imi makaguta ɀino, nokuti mucaʋa nenzara. Munenhamo imi munoseka ɀino, nokuti mucacema nokurira. Munenhamo kana ʋanhu ʋose ʋacitaura ɀakanaka pamsoro penyu, nokuti madziɓaɓa aʋo akaitira ʋaprofita ʋenhema ɀakaɗaro.
Ruka 6:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)