Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 6:1-26

Ruka 6:1-26 BDSC

Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho. Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?” Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake? Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.” Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.” Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara. VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata. Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo. Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?” Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka. Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu. Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari. Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori: Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro), mununʼuna wake Andirea, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti, Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki. Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye navanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni, vakanga vauya kuzomunzwa uyewo kuti vazoporeswa pazvirwere zvavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa, uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari richivaporesa vose. Akatarira kuvadzidzi vake, akati: “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu. Makaropafadzwa imi vane nzara zvino, nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka. Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai, vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu vachiti rakaipa, nokuda kwoMwanakomana woMunhu. “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo. “Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare. Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imi vanoseka zvino, nokuti muchaungudza uye muchachema. Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.