Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 6:1-26

Ruka 6:1-26 SNA2002

Zvino nomusi weSabata akafamba napakati peminda yezviyo; vadzidzi vake vakatanha hura, vakadya, vachidzipukuta namaoko. Zvino vamwe vavaFarisi vakati kwavari, “Munoitireiko zvisina kutenderwa kuitwa nomusi weSabata?” Jesu akavapindura, akati, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye; kuti akapinda mumba maMwari, akatora zvingwa zvokuratidza, akazvidya, akapawo vakanga vanaye, izvo zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga?” Akati kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.” Zvino neimwe Sabata akapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kune munhu ipapo akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. Vanyori navaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angamuporesa nomusi weSabata, kuti vawane pavangamupomera mhosva napo. Asi iye akaziva mifungo yavo, akati kumunhu akanga anoruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire pakati pavanhu.” Akasimuka, akamira. Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzai shoko iri, zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa neSabata, kuponesa munhu, kana kumuuraya?” Ipapo akaringa-ringa achivatarira vose, akati kwaari, “Tambanudza ruoko rwako.” Akadaro, ruoko rwake rukavandudzwa. Zvino vakatsamwa kwazvo, vakarangana vose kuti Jesu vangamuitei. Namazuva iwayo akabudira kugomo kundonyengetera, akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari. Zvino kwakati kwaedza, akadana vadzidzi vake; akasarudza kwavari vane gumi navaviri vaakatumidza zita rokuti vapostori; Simoni, waakatumidzao Petirosi, naAndireya, munun'una wake, naJakobho, naJohani, naFiripi, naBhatoromeo, naMateu, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArifeo, naSimoni, ainzi Zerote; naJudhasi mwanakomana waJakobho; naJudhasi Isikarioti, akazomupandukira. Akaburuka navo, akamira pakati chechetere, navadzidzi vake vazhinji, navanhu vazhinji-zhinji, vaibva Judhea yose neJerusaremu, napamhenderekedzo yegungwa reTire neSidhoni, vakanga vauya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzavo. Navakanga vachitambudzika nemweya yakan'ora vakaporeswa. Vanhu vazhinji vose vakatsvaka kumunyangata, nokuti simba rakabuda kwaari rikavaporesa vose. Zvino akatarisisa vadzidzi vake, akati, “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti ushe hwaMwari ndohwenyu. “Makaropafadzwa imi mune nzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka. “Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, vachikudzingai, vachikuzvidzai, vachirasa zita renyu sechinhu chakashata, nokuda kwoMwanakomana womunhu. Farai nezuva iro, mupembere, nokuti tarirai, mubayiro wenyu kudenga mukuru; nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita zvakadaro. Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu. Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchava nenzara. Mune nhamo imi munoseka zvino, nokuti muchachema nokuungudza. “Mune nhamo kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro.

Verenga chikamu Ruka 6