Zvakazoitika kuti nomumwe musi weSabata Jesu aifamba napakati peminda yekoroni, vadzidzi vake vaipurura hura dzekoroni vachidzipukutira mumaoko vachidya. Vamwe vavaFarisei vakati, “Munoitirei zvisingabvumirwi nomusi weSabata?” Jesu akavapindura akati, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi uya waakanga oziya iye navanhu vaaiva navo, kuti akapinda mumba yaMwari akatora zvingwa zvakasumwa kuna Mwari akazvidya akapawo vaaiva navo kunyange zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kusiya vapristi voga?” Ndokuti kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiMambo weSabata.”
Zvakaitikazve kuti nerimwe Sabata Jesu akapinda musinagogu akadzidzisa, imomo maiva nomunhu akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakanyatsomutarisisa vachida kuona kuti angaporese here nezuva reSabata, kuti vawane mhosva yokumubata nayo. Asi iye akaziva zvavaifunga ndokuti kumunhu uya akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire apa.” Munhu uya ndiye kwanyanu, omira. Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinoda kumbokubvunzai, zvinobvumirwa here, pamusi weSabata, kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu hwomunhu kana kuti kuhuparadza?” Akaringa–ringa achitarisa vose ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akabva aita saizvozvo; ruoko rwake rukabva rwatasamuka. Asi ivo vakashatirwa zvikuru chaizvo vakarangana kuti vangaitei naJesu.
Pamazuva iwayo Jesu akabuda akaenda kugomo kundonamata. Akapedza usiku hwose achinamata kuna Mwari. Kuzoti kwaedza, akadana vadzidzi vake akasarudza pakati pavo gumi navaviri, vaakatumidza zita rokuti vapositori. Kunoti Simoni waakatumidza zita rokuti Pita, naAndireya munun'una wake, kwoti Jemusi, naJohani, kwozoti Firipi, naBhatoromeo, tevere Mateu, naTomasi, kwouya Jemusi mwana waArifeo, naSimoni muZiroti, Ndokuzouyawo Judhasi mwana waJemusi, naJudhasi Isikariyoti uya akazova mupanduki.
Zvino akaburuka navo akandomira panzvimbo yakati chechetere aina vadzidzi vake vazhinji nechita chikuru chavanhu vakabva muJudhea yose nomuJerusaremu nomunyika yeTire neSidhoni iri pedyo negungwa, vakanga vauya kuzonzwa zvaaitaura nokuporeswa matenda avo. Uye vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa vakaporeswa. Vanhu vose vaivapo vaivavarira kumubata nokuti simba rakanga richibuda maari richiporesa vose.
Zvino Jesu akatarisa vadzidzi vake ndokuti,
“Makakomborerwa zvenyu imi varombo nokuti
umambo hwaMwari ndohwenyu.
“Makakomborerwa zvenyu imi mune nzara zvino
nokuti muchazogutswa.
Makakomborerwa imi munochema zvino
nokuti muchazoseka.
“Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikuvengai,
vasingadi kufambidzana nemi,
vachikunyombai vachiipisa zita renyu,
sechinhu chakaipa, pamusana poMwanakomana womunhu!
Farai pazuva iroro, muchipembera
nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga.
Ndinodaro nokuti ndizvozvowo zvakaita
madzibaba avo kuna vaporofita.
“Asi zvichakuwanai imi vapfumi
nokuti kugarika kwamunako
ndikoko kwese kwamatowana.
“Zvichakuwanai imi munamaguta zvino
nokuti muchazova nenzara.
Zvichakuwanai imi munoseka zvino
nokuti muchasuruvara nokuchema.
“Zvichakuwanai imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka
nezvenyu nokuti ndizvozvowo zvakaita madzitateguru avo
kuna vaporofita venhema.