Ruka 4:33-44
Ruka 4:33-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti, “A! Munodeiko kwatiri imi Jesu weNazareta? Ko, mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinoziva kuti muri ani, muri Mutsvene waMwari!” Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza. Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba, ichibva yabuda!” Mukurumbira wake wakapararira munzvimbo dzose dzakapoteredza. Jesu akabva pasinagoge akaenda kumba kwaSimoni. Zvino mai vomukadzi waSimoni vairwara nefivha, uye vakakumbira Jesu kuti avabatsire. Saka akakotamira kwavari akarayira fivha, ikabva pavari. Vakasimuka pakarepo vakatanga kuvashandira. Zuva rakati rodoka, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vana marudzi akasiyana-siyana ezvirwere, akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa. Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu. Mangwanani-ngwanani, Jesu akaenda kunzvimbo yakanyarara ari oga. Vanhu vakanga vachimutsvaka uye vakati vamuwana paakanga ari, vakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari. Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Uye akaramba achiparidza mumasinagoge eJudhea.
Ruka 4:33-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino musinagoge makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa wahan'ora; iye akadanidzira nezwi guru, achiti, “Haiwa, tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.” Ipapo Jesu akaurayira, achiti, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa ukamuwisira pasi pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza. Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti, “Shoko iri ndereiko? Nokuti anoraira mweya yakan'ora nechikuriri nesimba, ikabuda.” Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza. Zvino akasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhzvikuru; vakavakumbirira kwaari. Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akarayira fivha, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira. Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nehosha zhinji vakauya navo kwaari; akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira, ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!” Asi akayiraira, akasaitendera kutaura, nokuti yakanga ichiziva kuti ndiye Kristu. Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kwakanga kusina vanhu; vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari, vakaedza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari. Asi akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Vhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Akasiparidza mumasinagoge eGariria.
Ruka 4:33-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musinagogu imomo maiva nomunhu aiva nomweya wakaipa wetsvina. Akazhamba nezwi guru achiti; “Aa! Ko tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva; kuti ndiwe ani; ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Chibva wanyarara ubude maari.” Kuzoti mweya wakaipa uya wambomurigira pasi, vose vachizviona; wakabuda maari usina kumbomukuvadza. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo, vakataurirana vachiti, “Ishokoi iri? Nokuti anoudza mweya yakaipa nechiremera nesimba, ichibva yabuda.” Mukurumbira wake wakanzwika mudunhu iro rose. Jesu akazosimuka obva pasinagogu ndokundopinda mumba maSimoni. Vambuya vaSimoni vakanga vachirwara kwazvo, muviri wavo uchipinda chando zvikuru. Vakavakumbirira kuna Jesu. Iye akandomira pedyo navo ndokutaurira denda kuti ribve mavari. Denda ndokubva ravasiya. Pakarepo vakabva vasimuka vakavashandira. Kuzoti zuva rovira, vose vaiva navarwere vana matenda akasiyana–siyana, vakauya navo kwaari, iye ndokuisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. Mweya yakaipa yakabuda muvazhinji ichidaidzira ichiti, “Iwe, ndiwe Mwanakomana waMwari.” Asi Jesu akaikarira asingaibvumiri kutaura nokuti yaiziva kuti iyeyu ndiye Kristu wacho. Kuzoti kwaedza Jesu akabvako oenda kunzvimbo isina vanhu. Uzhinji hwavanhu hwakamutsvaka. Vakauya kwaari vachiedza kumudzivisa kuti asabve kwavari. Asi Jesu akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzawo shoko rakanaka roumambo hwaMwari kuna mamwe maguta nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Ndokubva aparidza mumasinagogu eJudhea.
Ruka 4:33-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino musinagoge makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wakaipa wetȿina; iye akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: Haiwa, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari. Ipapo Jesu akauraira, aciti: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi pakati paʋo, ukaɓuɗa kwaari, usina‐kutoŋgomukuʋadza. Kutya kukaʋawira ʋose, ʋakataurirana, ʋaciti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mŋeya yetȿina necikuriri nesimba, ikaɓuɗa. Mukurumbira wake ukanzwika kumatiʋi ose enyika yakapoteredza. Ɀino wakasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai ʋomukadzi waSimoni ʋakaŋga ʋakaɓatwa nefiviri ɀikuru; ʋakaʋakumbirira kwaari. Ipapo akakotamira pamsoro paʋo, akaraira fiviri, ikaʋarega; ʋakasimuka pakarepo, ʋakaʋashandira. Ɀino zuʋa rakati roʋira, ʋose ʋaiʋa naʋanorwara nehosha zhinji ʋakaʋuya naʋo kwaari; akaisa maʋoko ake pamsoro pomumŋe nomumŋe waʋo, akaʋaporesa. Nemŋeya yakaipa yakaɓuɗa kuʋazhinji, iciɗanidzira, iciti: Ndimi Mŋanakomana waMŋari! Asi wakairaira, akasaitendera kutaura, nokuti yakaŋga iciziʋa kuti ndiye Kristu. Ɀino kwakati kwaedza, akaɓuɗa, akaenda kwakaŋga kunerenje; ʋazhinji ʋakamutȿaka, ʋakaȿika kwaari, ʋakaidza kumudziʋisa, kuti arege kubva kwaʋari. Asi wakati kwaʋari: Ndinofanira kuparidzira mamŋe maguta ʋo Evaŋgeri yoʋushe bgaMŋari; nokuti ndiɀo ɀandakatumirwa. Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.
Ruka 4:33-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)