Ɀino musinagoge makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wakaipa wetȿina; iye akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: Haiwa, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari. Ipapo Jesu akauraira, aciti: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi pakati paʋo, ukaɓuɗa kwaari, usina‐kutoŋgomukuʋadza. Kutya kukaʋawira ʋose, ʋakataurirana, ʋaciti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mŋeya yetȿina necikuriri nesimba, ikaɓuɗa. Mukurumbira wake ukanzwika kumatiʋi ose enyika yakapoteredza.
Ɀino wakasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai ʋomukadzi waSimoni ʋakaŋga ʋakaɓatwa nefiviri ɀikuru; ʋakaʋakumbirira kwaari. Ipapo akakotamira pamsoro paʋo, akaraira fiviri, ikaʋarega; ʋakasimuka pakarepo, ʋakaʋashandira.
Ɀino zuʋa rakati roʋira, ʋose ʋaiʋa naʋanorwara nehosha zhinji ʋakaʋuya naʋo kwaari; akaisa maʋoko ake pamsoro pomumŋe nomumŋe waʋo, akaʋaporesa. Nemŋeya yakaipa yakaɓuɗa kuʋazhinji, iciɗanidzira, iciti: Ndimi Mŋanakomana waMŋari! Asi wakairaira, akasaitendera kutaura, nokuti yakaŋga iciziʋa kuti ndiye Kristu.
Ɀino kwakati kwaedza, akaɓuɗa, akaenda kwakaŋga kunerenje; ʋazhinji ʋakamutȿaka, ʋakaȿika kwaari, ʋakaidza kumudziʋisa, kuti arege kubva kwaʋari. Asi wakati kwaʋari: Ndinofanira kuparidzira mamŋe maguta ʋo Evaŋgeri yoʋushe bgaMŋari; nokuti ndiɀo ɀandakatumirwa.
Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.