Musinagogu imomo maiva nomunhu aiva nomweya wakaipa wetsvina. Akazhamba nezwi guru achiti; “Aa! Ko tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva; kuti ndiwe ani; ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Chibva wanyarara ubude maari.” Kuzoti mweya wakaipa uya wambomurigira pasi, vose vachizviona; wakabuda maari usina kumbomukuvadza. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo, vakataurirana vachiti, “Ishokoi iri? Nokuti anoudza mweya yakaipa nechiremera nesimba, ichibva yabuda.” Mukurumbira wake wakanzwika mudunhu iro rose. Jesu akazosimuka obva pasinagogu ndokundopinda mumba maSimoni. Vambuya vaSimoni vakanga vachirwara kwazvo, muviri wavo uchipinda chando zvikuru. Vakavakumbirira kuna Jesu. Iye akandomira pedyo navo ndokutaurira denda kuti ribve mavari. Denda ndokubva ravasiya. Pakarepo vakabva vasimuka vakavashandira. Kuzoti zuva rovira, vose vaiva navarwere vana matenda akasiyana–siyana, vakauya navo kwaari, iye ndokuisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. Mweya yakaipa yakabuda muvazhinji ichidaidzira ichiti, “Iwe, ndiwe Mwanakomana waMwari.” Asi Jesu akaikarira asingaibvumiri kutaura nokuti yaiziva kuti iyeyu ndiye Kristu wacho. Kuzoti kwaedza Jesu akabvako oenda kunzvimbo isina vanhu. Uzhinji hwavanhu hwakamutsvaka. Vakauya kwaari vachiedza kumudzivisa kuti asabve kwavari. Asi Jesu akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzawo shoko rakanaka roumambo hwaMwari kuna mamwe maguta nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Ndokubva aparidza mumasinagogu eJudhea.
Verenga chikamu Ruka 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 4:33-44
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo