Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 4:33-44

Ruka 4:33-44 SNA2002

Zvino musinagoge makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa wahan'ora; iye akadanidzira nezwi guru, achiti, “Haiwa, tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.” Ipapo Jesu akaurayira, achiti, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa ukamuwisira pasi pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza. Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti, “Shoko iri ndereiko? Nokuti anoraira mweya yakan'ora nechikuriri nesimba, ikabuda.” Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza. Zvino akasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhzvikuru; vakavakumbirira kwaari. Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akarayira fivha, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira. Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nehosha zhinji vakauya navo kwaari; akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira, ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!” Asi akayiraira, akasaitendera kutaura, nokuti yakanga ichiziva kuti ndiye Kristu. Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kwakanga kusina vanhu; vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari, vakaedza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari. Asi akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Vhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” Akasiparidza mumasinagoge eGariria.

Verenga chikamu Ruka 4