Ruka 4:1-30
Ruka 4:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvino Jesu, azere naMweya Mutsvene, akadzoka achibva kuna Jorodhani. Akatungamirirwa naMweya mugwenga kwamazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Pamazuva iwayo haana chaakadya; zvino pakupera kwawo akaziya nenzara. Satani akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti ibwe iri rive chingwa.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga.’ ” Satani akamutungamidza oenda naye pakakwirira akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nakanguva kadukuduku, akachimuti; “Ndichakupa umambo hwose uhwu nomukurumbira wahwo nokuti zvakaturirwa kwandiri, uyezve ndinozvipa kune wandinenge ndichida. Naizvozvo, iwe ukandipfugamira zvose zvichava zvako.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako, umushandire iye oga.’ ” Akamutungamidzazve oenda naye Jerusaremu akandomumisa pachisuvi cheTemberi ndokumuti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano, nokuti zvakanyorwa zvichinzi; ‘Mwari achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete vachikudzivirira,’ uyezve ‘Vachakugama namaoko avo kuti urege kugumburwa tsoka yako nebwe.’ ” Jesu akamupindura achiti, zvakanzi, “Usaedze Tenzi Mwari wako.” Kuzoti Satani apedza mitoo yose yokumuedza nayo akambomusiya kusvikira pane imwe nguva. Zvino Jesu akadzokera Garirea ava nesimba raMweya; mukurumbira wake ukapararira kwose kwose munharaunda iyoyo. Akadzidzisa mumasinagogu avo achirumbidzwa navanhu vose. Zvino Jesu akauya kuNazareti kwaakanga arerwa. Akapinda musinagogu nomusi weSabata, samaitiro ake. Akasimuka kuti averenge ndokupiwa bhuku romuporofita Isaya. Akati aripetenura akawana pakanyorwa kunzi, “Mweya waTenzi uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo namapofu zvekusvinudzwa kwawo, nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa, uyezve kuparidza gore renyasha dzaTenzi.” Akazarira bhuku riya ndokuridzorera kumutariri, ogara pasi. Maziso avose avanhu vakanga vari musinagogu akaramba akamutarisa. Zvino akatanga kutaura kwavari achiti, “Nhasi uno, gwaro dzvene iri ramazvinzwira nenzeve dzenyu razadziswa.” Vose vakataura zvakanaka nezvake, uye vakashamiswa namazwi anotora mwoyo akabuda mumuromo make. Vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefi here?” Iye ndokuvati, “Ndine chokwadi chokuti munoda kundiitira tsumo iyi inoti, ‘N'anga zvirape.’ Muchindiudzawo kuti zviya zvatakanzwa, zvawakaita kuKapenaumu, zviitewo muno munyika mako.” Uye ndokuti, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika make. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri muIsiraeri makanga muine chirikadzi zhinji pamazuva aEriya, panguva iya yakapfigwa denga kukasanaya kwamakore matatu nemwedzi mitanhatu, kukava nenzara huru munyika yose, asi Eriya haana kutumwa kune imwe yadzo kusiya chete kune mukadzi aive chirikadzi kuZarefati munyika yeSidhoni. Uyezve muIsiraeri maiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yomuporofita Erisha asi hakuna nomumwe wavo akabviswa maperembudzi akachenurwa, kunze kwaNaamani muSiria.” Pakunzwa izvi, vose vakanga vari musinagogu vakazadzwa nehasha. Vakasimuka vakabva vamudzingira kunze kweguta, vakandosvika naye pamusoro pegomo, pakanga pakavakirwa guta ravo, kuti vamusaidzire kumawere. Asi iye akapfuura napakati pavo, ndokuenda zvake.
Ruka 4:1-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu, azere noMweya Mutsvene, akadzoka kubva paJorodhani akatungamirirwa noMweya mugwenga, umo maakaedzwa naSatani kwamazuva makumi mana. Haana chaakadya pamazuva iwayo, uye pakupera kwamazuva iwayo akanzwa nzara. Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ ” Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza munguva diki diki umambo hwose hwenyika. Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda. Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ” Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako kuti vakuchengete kwazvo; vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ” Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ” Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva. Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika. Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza. Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge. Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti: “Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa, kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.” Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati nde-e kwaari, uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.” Vose vakataura zvakanaka pamusoro pake uye vakashamiswa namashoko akanaka akanga achibuda mumuromo make. Vakati, “Ko, uyu haazi mwanakomana waJosefa here?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchataura tsumo iyi kwandiri muchiti: ‘Murapi, chizvirapa! Itawo muguta rako rino zvatakanzwa kuti wakaita muKapenaume.’ ” Akaenderera mberi achiti, “Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna muprofita anogamuchirwa muguta rake. Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo munyika yose. Asi Eria haana kutumwa kuno mumwe wavo, asi kuchirikadzi yeZerafati munyika yeSidhoni. Uye kwaiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yaEria muprofita, asi hapana mumwe chete pakati pavo akanatswa kunze kwaNaamani muSiria.” Vanhu vose vakanga vari musinagoge vakatsamwa kwazvo pavakanzwa izvi. Vakasimuka, vakamubudisa muguta, vakamutora vakaenda naye kumucheto cheto kwechikomo chakanga chakavakirwa guta ravo, kuti vamusundidzire kumawere. Asi akafamba napakati pemhomho yavanhu akaenda zvake.
Ruka 4:1-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, akadzokazve achibva kuJorodhani, akatungamirirwa noMweya murenje achiedzwa naDhiabhori mazuva ana makumi mana. Akanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera, akaziya. Zvino Dhiabhori akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.” Jesu akamupindura, akati, “Kwakanyorwa kuti munhu haangararami nechingwa bedzi.” Zvino akamutungamirira kugomo refurefu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nenguva duku-duku. Dhiabhori akati kwaari, “Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakahupiwa ini, kuti ndihupe wandinoda. Zvino, iwe, kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ” Akaenda naye Jerusaremu, akamuisa pachiruvi chetemberi, akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano; Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;’ ‘Pamaoko avo vachakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.’ ” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanzi, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ” Dhiabhori akati apedza kuedza kwose, akamusiya kusvikira imwe nguva. Zvino Jesu akadzokera Gariria nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza. Aidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose. Akasvika kuNazareta, kwaakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi weSabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave. Akapiwa bhuku yomuporofita Isaya; zvino akati aripetenura, akawana pakanyorwa panoti, “Mweya waIshe uri pamusoro pangu, Nokuti akandizodza, kuti ndiparidzire varombo Vhangeri; Akandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti vaonezve; Ndiregedze vakatsikirirwa; Nokuzivisa gore raIshe rakanaka.” Akapeta bhuku, akaridzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa. Zvino akatanga kuvaudza, achiti, “Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeve dzenyu.” Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?” Akati kwavari, “Ndinoziva, muchareva tsumo iyi kwandiri, ‘N'anga uzviporese; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviitewo nomuno munyika yako.’ ” Akati, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yake. Ndinokuudzai shoko iri razvokwadi. Kwakanga kune chirikadzi zhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose; asi Eria haana kutumwa kune mumwe wavo, asi akatumwa Sarepita bedzi, munyika yeSidhoni, kumukadzi aiva chirikadzi. Kwakanga kuna vaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakuna mumwe wavo akanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria.” Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo, vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi. Asi iye akapinda napakati pavo, akaenda.
Ruka 4:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu, azere naMweya Mutsvene, akadzoka achibva kuna Jorodhani. Akatungamirirwa naMweya mugwenga kwamazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Pamazuva iwayo haana chaakadya; zvino pakupera kwawo akaziya nenzara. Satani akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti ibwe iri rive chingwa.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga.’ ” Satani akamutungamidza oenda naye pakakwirira akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nakanguva kadukuduku, akachimuti; “Ndichakupa umambo hwose uhwu nomukurumbira wahwo nokuti zvakaturirwa kwandiri, uyezve ndinozvipa kune wandinenge ndichida. Naizvozvo, iwe ukandipfugamira zvose zvichava zvako.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako, umushandire iye oga.’ ” Akamutungamidzazve oenda naye Jerusaremu akandomumisa pachisuvi cheTemberi ndokumuti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano, nokuti zvakanyorwa zvichinzi; ‘Mwari achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete vachikudzivirira,’ uyezve ‘Vachakugama namaoko avo kuti urege kugumburwa tsoka yako nebwe.’ ” Jesu akamupindura achiti, zvakanzi, “Usaedze Tenzi Mwari wako.” Kuzoti Satani apedza mitoo yose yokumuedza nayo akambomusiya kusvikira pane imwe nguva. Zvino Jesu akadzokera Garirea ava nesimba raMweya; mukurumbira wake ukapararira kwose kwose munharaunda iyoyo. Akadzidzisa mumasinagogu avo achirumbidzwa navanhu vose. Zvino Jesu akauya kuNazareti kwaakanga arerwa. Akapinda musinagogu nomusi weSabata, samaitiro ake. Akasimuka kuti averenge ndokupiwa bhuku romuporofita Isaya. Akati aripetenura akawana pakanyorwa kunzi, “Mweya waTenzi uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo namapofu zvekusvinudzwa kwawo, nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa, uyezve kuparidza gore renyasha dzaTenzi.” Akazarira bhuku riya ndokuridzorera kumutariri, ogara pasi. Maziso avose avanhu vakanga vari musinagogu akaramba akamutarisa. Zvino akatanga kutaura kwavari achiti, “Nhasi uno, gwaro dzvene iri ramazvinzwira nenzeve dzenyu razadziswa.” Vose vakataura zvakanaka nezvake, uye vakashamiswa namazwi anotora mwoyo akabuda mumuromo make. Vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefi here?” Iye ndokuvati, “Ndine chokwadi chokuti munoda kundiitira tsumo iyi inoti, ‘N'anga zvirape.’ Muchindiudzawo kuti zviya zvatakanzwa, zvawakaita kuKapenaumu, zviitewo muno munyika mako.” Uye ndokuti, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika make. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri muIsiraeri makanga muine chirikadzi zhinji pamazuva aEriya, panguva iya yakapfigwa denga kukasanaya kwamakore matatu nemwedzi mitanhatu, kukava nenzara huru munyika yose, asi Eriya haana kutumwa kune imwe yadzo kusiya chete kune mukadzi aive chirikadzi kuZarefati munyika yeSidhoni. Uyezve muIsiraeri maiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yomuporofita Erisha asi hakuna nomumwe wavo akabviswa maperembudzi akachenurwa, kunze kwaNaamani muSiria.” Pakunzwa izvi, vose vakanga vari musinagogu vakazadzwa nehasha. Vakasimuka vakabva vamudzingira kunze kweguta, vakandosvika naye pamusoro pegomo, pakanga pakavakirwa guta ravo, kuti vamusaidzire kumawere. Asi iye akapfuura napakati pavo, ndokuenda zvake.
Ruka 4:1-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu azere noMŋeya Mutȿene, wakadzoka ɀe acibʋa paJordani, akatuŋgamirirwa noMŋeya murenje aciidzwa naDiaborosi mazuʋa anamakumi manna. Wakaŋga asiŋgadyi cinhu namazuʋa iwayo; ɀino akati apera, akaziya. Ɀino Diaborosi akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, ʋudza ibge iri kuti riʋe ciŋgwa. Jesu akamupindura, akati: Kwakanyorwa kuti munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi. Ɀino akamutuŋgamirira kumsoro, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika neŋguʋa ɗuku‐ɗuku. Diaborosi akati kwaari: Ndicakupa simba iri rose nokubginya kwaɀo, nokuti ndakabgupiwa ini, kuti ndibgupe wandinoɗa. Ɀino, iwe, kana ukandinamata, ɀose ɀicaʋa ɀako. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga. Akaenda naye Jerusarema, akamuisa paciruʋu cetembere, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi pano; Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, kuti ʋakuceŋgete; Pamaʋoko aʋo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mŋari wako. Diaborosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kuȿikira imŋe ŋguʋa. Ɀino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMŋeya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza. Waidzidzisa mumasinagoge aʋo, acikudzwa naʋanhu ʋose. Akaȿika paNazareta, paakaŋga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesaɓata seɀaaisiita, akasimuka kuti araʋe. Akapiwa buku yomuprofita Isaya; ɀino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti: Mŋeya waShe uri pamsoro paŋgu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire ʋarombo Evaŋgeri; Wakandituma kuti ndiziʋise ʋakatapxa kusunuŋgurwa kwaʋo; Namapofu kuti ʋaʋone ɀe; Ndiregedze ʋakatsikirirwa; Nokuziʋisa gore raShe rakanaka. Akapeta buku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso aʋose ʋaiʋa musinagoge akamutarisisa. Ɀino akataŋga kuʋaʋudza, aciti: Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeʋe dzenyu. Ʋose ʋakamupupurira ɀakanaka, ʋakashamiswa namashoko akanaka akaɓuɗa mumuromo make, ʋakati: Ko uyu haazi mŋanakomana waJosefa here? Akati kwaʋari: Ndinoziʋa, mucareʋa shumo iyi kwandiri: Ŋaŋga uɀiporese; ɀose iɀo ɀatakanzwa ɀakaitwa paKapernaume, uɀiite ʋo nomuno munyika yako. Akati: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hakunomuprofita unogamucirwa munyika yake. Ndinokuʋudzai shoko iri raɀokwaɗi: Kwakaŋga kunecirikadzi zhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa aEria, paŋguʋa yakazarirwa ɗeŋga makore matatu nemŋedzi mitanhatu, nzara huru ikaʋa’po panyika yose; asi Eria haana‐kutumŋa kunomumŋe waʋo, asi wakatumŋa Sarepta ɓedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waiʋa cirikadzi. Kwakaŋga kunaʋaiʋa namaperembudzi ʋazhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa omuprofita Erisha; hakunomumŋe waʋo wakanatswa, asi Naamani ɓedzi, muSiria. Ipapo ʋose ʋakaŋga ʋari musinagoge, ʋakatsamŋa ɀikuru, ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakasimuka, ʋakamudziŋgira kunze kweguta, ʋakaenda naye kumawere egomo, pakaŋga pakaʋakwa guta raʋo, kuti ʋamuwisire pasi. Asi iye wakapinda napakati paʋo, akaenda.