Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, akadzokazve achibva kuJorodhani, akatungamirirwa noMweya murenje achiedzwa naDhiabhori mazuva ana makumi mana. Akanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera, akaziya.
Zvino Dhiabhori akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.”
Jesu akamupindura, akati, “Kwakanyorwa kuti munhu haangararami nechingwa bedzi.”
Zvino akamutungamirira kugomo refurefu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nenguva duku-duku.
Dhiabhori akati kwaari, “Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakahupiwa ini, kuti ndihupe wandinoda. Zvino, iwe, kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.”
Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ”
Akaenda naye Jerusaremu, akamuisa pachiruvi chetemberi, akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano; Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi,
‘Acharayira vatumwa vake pamusoro
pako, kuti vakuchengete;’
‘Pamaoko avo vachakusimudza,
Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.’ ”
Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanzi, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ”
Dhiabhori akati apedza kuedza kwose, akamusiya kusvikira imwe nguva.
Zvino Jesu akadzokera Gariria nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza.
Aidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose.
Akasvika kuNazareta, kwaakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi weSabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.
Akapiwa bhuku yomuporofita Isaya; zvino akati aripetenura, akawana pakanyorwa panoti,
“Mweya waIshe uri pamusoro pangu,
Nokuti akandizodza, kuti
ndiparidzire varombo Vhangeri;
Akandituma kuti ndizivise vakatapwa
kusunungurwa kwavo;
Namapofu kuti vaonezve;
Ndiregedze vakatsikirirwa;
Nokuzivisa gore raIshe rakanaka.”
Akapeta bhuku, akaridzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa. Zvino akatanga kuvaudza, achiti, “Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeve dzenyu.”
Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?”
Akati kwavari, “Ndinoziva, muchareva tsumo iyi kwandiri, ‘N'anga uzviporese; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviitewo nomuno munyika yako.’ ” Akati, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yake. Ndinokuudzai shoko iri razvokwadi. Kwakanga kune chirikadzi zhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose; asi Eria haana kutumwa kune mumwe wavo, asi akatumwa Sarepita bedzi, munyika yeSidhoni, kumukadzi aiva chirikadzi. Kwakanga kuna vaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakuna mumwe wavo akanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria.”
Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo, vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi. Asi iye akapinda napakati pavo, akaenda.