Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 4:1-30

Ruka 4:1-30 SCLB

Zvino Jesu, azere naMweya Mutsvene, akadzoka achibva kuna Jorodhani. Akatungamirirwa naMweya mugwenga kwamazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Pamazuva iwayo haana chaakadya; zvino pakupera kwawo akaziya nenzara. Satani akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti ibwe iri rive chingwa.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga.’ ” Satani akamutungamidza oenda naye pakakwirira akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nakanguva kadukuduku, akachimuti; “Ndichakupa umambo hwose uhwu nomukurumbira wahwo nokuti zvakaturirwa kwandiri, uyezve ndinozvipa kune wandinenge ndichida. Naizvozvo, iwe ukandipfugamira zvose zvichava zvako.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako, umushandire iye oga.’ ” Akamutungamidzazve oenda naye Jerusaremu akandomumisa pachisuvi cheTemberi ndokumuti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano, nokuti zvakanyorwa zvichinzi; ‘Mwari achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete vachikudzivirira,’ uyezve ‘Vachakugama namaoko avo kuti urege kugumburwa tsoka yako nebwe.’ ” Jesu akamupindura achiti, zvakanzi, “Usaedze Tenzi Mwari wako.” Kuzoti Satani apedza mitoo yose yokumuedza nayo akambomusiya kusvikira pane imwe nguva. Zvino Jesu akadzokera Garirea ava nesimba raMweya; mukurumbira wake ukapararira kwose kwose munharaunda iyoyo. Akadzidzisa mumasinagogu avo achirumbidzwa navanhu vose. Zvino Jesu akauya kuNazareti kwaakanga arerwa. Akapinda musinagogu nomusi weSabata, samaitiro ake. Akasimuka kuti averenge ndokupiwa bhuku romuporofita Isaya. Akati aripetenura akawana pakanyorwa kunzi, “Mweya waTenzi uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo namapofu zvekusvinudzwa kwawo, nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa, uyezve kuparidza gore renyasha dzaTenzi.” Akazarira bhuku riya ndokuridzorera kumutariri, ogara pasi. Maziso avose avanhu vakanga vari musinagogu akaramba akamutarisa. Zvino akatanga kutaura kwavari achiti, “Nhasi uno, gwaro dzvene iri ramazvinzwira nenzeve dzenyu razadziswa.” Vose vakataura zvakanaka nezvake, uye vakashamiswa namazwi anotora mwoyo akabuda mumuromo make. Vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefi here?” Iye ndokuvati, “Ndine chokwadi chokuti munoda kundiitira tsumo iyi inoti, ‘N'anga zvirape.’ Muchindiudzawo kuti zviya zvatakanzwa, zvawakaita kuKapenaumu, zviitewo muno munyika mako.” Uye ndokuti, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika make. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri muIsiraeri makanga muine chirikadzi zhinji pamazuva aEriya, panguva iya yakapfigwa denga kukasanaya kwamakore matatu nemwedzi mitanhatu, kukava nenzara huru munyika yose, asi Eriya haana kutumwa kune imwe yadzo kusiya chete kune mukadzi aive chirikadzi kuZarefati munyika yeSidhoni. Uyezve muIsiraeri maiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yomuporofita Erisha asi hakuna nomumwe wavo akabviswa maperembudzi akachenurwa, kunze kwaNaamani muSiria.” Pakunzwa izvi, vose vakanga vari musinagogu vakazadzwa nehasha. Vakasimuka vakabva vamudzingira kunze kweguta, vakandosvika naye pamusoro pegomo, pakanga pakavakirwa guta ravo, kuti vamusaidzire kumawere. Asi iye akapfuura napakati pavo, ndokuenda zvake.

Verenga chikamu Ruka 4