Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 4:1-30

Ruka 4:1-30 SUB1949

Ɀino Jesu azere noMŋeya Mutȿene, wakadzoka ɀe acibʋa paJordani, akatuŋgamirirwa noMŋeya murenje aciidzwa naDiaborosi mazuʋa anamakumi manna. Wakaŋga asiŋgadyi cinhu namazuʋa iwayo; ɀino akati apera, akaziya. Ɀino Diaborosi akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, ʋudza ibge iri kuti riʋe ciŋgwa. Jesu akamupindura, akati: Kwakanyorwa kuti munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi. Ɀino akamutuŋgamirira kumsoro, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika neŋguʋa ɗuku‐ɗuku. Diaborosi akati kwaari: Ndicakupa simba iri rose nokubginya kwaɀo, nokuti ndakabgupiwa ini, kuti ndibgupe wandinoɗa. Ɀino, iwe, kana ukandinamata, ɀose ɀicaʋa ɀako. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga. Akaenda naye Jerusarema, akamuisa paciruʋu cetembere, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi pano; Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, kuti ʋakuceŋgete; Pamaʋoko aʋo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mŋari wako. Diaborosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kuȿikira imŋe ŋguʋa. Ɀino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMŋeya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza. Waidzidzisa mumasinagoge aʋo, acikudzwa naʋanhu ʋose. Akaȿika paNazareta, paakaŋga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesaɓata seɀaaisiita, akasimuka kuti araʋe. Akapiwa buku yomuprofita Isaya; ɀino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti: Mŋeya waShe uri pamsoro paŋgu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire ʋarombo Evaŋgeri; Wakandituma kuti ndiziʋise ʋakatapxa kusunuŋgurwa kwaʋo; Namapofu kuti ʋaʋone ɀe; Ndiregedze ʋakatsikirirwa; Nokuziʋisa gore raShe rakanaka. Akapeta buku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso aʋose ʋaiʋa musinagoge akamutarisisa. Ɀino akataŋga kuʋaʋudza, aciti: Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeʋe dzenyu. Ʋose ʋakamupupurira ɀakanaka, ʋakashamiswa namashoko akanaka akaɓuɗa mumuromo make, ʋakati: Ko uyu haazi mŋanakomana waJosefa here? Akati kwaʋari: Ndinoziʋa, mucareʋa shumo iyi kwandiri: Ŋaŋga uɀiporese; ɀose iɀo ɀatakanzwa ɀakaitwa paKapernaume, uɀiite ʋo nomuno munyika yako. Akati: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hakunomuprofita unogamucirwa munyika yake. Ndinokuʋudzai shoko iri raɀokwaɗi: Kwakaŋga kunecirikadzi zhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa aEria, paŋguʋa yakazarirwa ɗeŋga makore matatu nemŋedzi mitanhatu, nzara huru ikaʋa’po panyika yose; asi Eria haana‐kutumŋa kunomumŋe waʋo, asi wakatumŋa Sarepta ɓedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waiʋa cirikadzi. Kwakaŋga kunaʋaiʋa namaperembudzi ʋazhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa omuprofita Erisha; hakunomumŋe waʋo wakanatswa, asi Naamani ɓedzi, muSiria. Ipapo ʋose ʋakaŋga ʋari musinagoge, ʋakatsamŋa ɀikuru, ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakasimuka, ʋakamudziŋgira kunze kweguta, ʋakaenda naye kumawere egomo, pakaŋga pakaʋakwa guta raʋo, kuti ʋamuwisire pasi. Asi iye wakapinda napakati paʋo, akaenda.

Verenga chikamu Ruka 4