Ruka 21:5-24
Ruka 21:5-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vamwe vadzidzi vake vakanga vachitaura pamusoro pamashongedzerwo akanga akaitwa temberi namatombo akanaka uye nezvipo zvakanga zvakumikidzwa kuna Mwari. Asi Jesu akati, “Zvamuoona pano izvi, nguva ichasvika yokuti ibwe rimwe haringaregwi riri pamusoro perimwe; rimwe nerimwe rawo richakandwa pasi.” Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichaitika rinhiko? Uye chiratidzo chichava chipi chokuti izvozvo zvava kuzoitika?” Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera. Kana mukanzwa zvehondo uye nokumukirana, musavhundutswa. Zvinhu izvozvi zvinofanira kutanga kuitika, asi kuguma hakuzosviki pakarepo.” Ipapo akati kwavari, “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga. “Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu. Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari. Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei. Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa. Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanunʼuna, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu. Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara. Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu. “Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo. Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta. Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe. Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu. Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa neveDzimwe Ndudzi kusvikira nguva dzeveDzimwe Ndudzi dzazadziswa.

Ruka 21:5-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vamwe vakati vachitaura pamusoro petemberi, kuti yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo, iye akati, “Kana zviri izvi zvamunoona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.” Zvino vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipi, kana izvozvi zvoda kuitwa?” Akati, “Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu’; ‘Nguva yaswedera.’ Musavatevera. “Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusi pakarepo.” Akati kwavari, “Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, noushe humwe huchamukira humwe ushe. Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo. Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo namadzishe, nokuda kwezita rangu. Ichi chichava chapupu kwamuri. Naizvozvo simbai mumwoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo. Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva. Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun'una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachaurawa. Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu. “Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarasiki. Nokutsungirira kwenyu muchawana upenyu hwenyu. “Zvino kana muchiona Jerusaremu rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari mukati maro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo. Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike. Asi vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kuchavapo panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivavo. Vachaparadzwa nomunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusaremu richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika.
Ruka 21:5-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vamwe pavaitaura nezveTemberi kuti yakashongedzwa zvakadii namatombo akakosha nezvipo, Jesu akati, “Zvamuri kuona izvi, mazuva ari kuuya hapazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.” Vakamubvunza kuti, “Nhai mudzidzisi izvi zvichaitika rinhi uye kuti chiratidzo chokuti zvava kuda kuitika chichava chipi?” Iye akati, “Chenjerai kuti murege kurasikiswa nokuti kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye.’ Uye vachati, ‘Nguva yasvika.’ Imi musavatevere. Kana monzwa zvehondo namanyongori, musatye nokuti izvi zvinofanira kutanga zvaitika asi kuguma hakubva kwangova pakare pakarepo.” Akazoti kwavari, “Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo. Kuchava nokundengendeka kwapasi kukuru, munzvimbo dzakasiya–siyana muchava nedzinzara nezvirwere, kuchava nezvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichibva kudenga. Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu. Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo. Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei. Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi. Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu. Muchavengwa navose pamusana pezita rangu. Asi hapana kana ruvhudzi rwomusoro wenyu ruchatsakatika. Kutsungirira kwenyu kuchakuwanirai upenyu hwenyu. “Kana moona Jerusaremu yakomberedzwa nehondo. Ibvai maziva kuti kuparadzwa kwayo kwava pedyo. Vanenge vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Vanenge vari muguta ngavabvemo. Vanenge vari kunze kumaruwa ngavarege kupinda mariri nokuti iwaya anenge ari mazuva okutsividza kuzadzisa zvose zvakanyorwa. Hameno zvavo vanenge vakazvitakura navavo vanenge vachiyamwisa pamazuva iwayo nokuti pachava nenhamo huru panyika nokurangwa kwavanhu ava. Vachaparadzwa nehondo yebakatwa vachitapwa mukati memarudzi ose. Jerusaremu ichatsokodzerwa nevechirudzi; kusvikira nguva yevechirudzi yazadziswa.
Ruka 21:5-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋamŋe ʋakati ʋacitaura pamsoro petembere, kuti yakaŋga yakashoŋgedzwa namabge akanaka neɀipo, iye akati: Kana ɀiri iɀi ɀamunoʋona, mazuʋa acaȿika, asiŋgazoregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi. Ɀino ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cicaʋa cipi, kana iɀoɀi ɀoɗo‐kuitwa? Akati: Cenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu; ŋguʋa yasweɗera. Musaʋateʋera. Kana mucinzwa ɀokurwa, nenyoŋganiso, musavunduka henyu, nokuti iɀoɀi ɀinofanira kumboitwa; asi kuguma hakuȿiki pakarepo. Akati kwaʋari: Rudzi rumŋe rucamukira rumŋe rudzi, noʋushe bgumŋe bgucamukira bgumŋe ʋushe. Kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika kucaʋa’po, nokunedzimŋe nɀimbo nzara nehosha, neɀinotyisa, ʋuye ɀiratidzo ɀikuru, ɀicabva kuɗeŋga, ɀicaʋa’po. Asi iɀoɀi ɀose ɀisati ɀaȿika, ʋacakuɓatai, nokukutambudzai, ʋacikuisai kumasinagoge nomumatoroŋgo, nokukuisai pamberi pamadzimambo naʋaɓati, nokuɗa kwezita raŋgu. Ici cicaʋa capupu kwamuri. Naiɀoɀo simbai mumŋoyo menyu, kuti murege kumbofuŋgisisa pamucapindura napo. Nokuti ndicakupai muromo nokucenjera, kucakonesa ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose kukukundai nokuramba ɀamunoreʋa. Mucaiswa kuʋatoŋgi kunyaŋge naʋaɓereki, naʋanuŋuna, nehama, neshamŋari; ʋamŋe ʋenyu ʋacaʋurawa. Mucaʋeŋgwa naʋanhu ʋose nokuɗa kwezita raŋgu. Asi ruvudzi rumŋe rwomusoro wenyu haruŋgarashiki. Nokutsuŋgirira kwenyu mucawana ʋupenyu bgenyu. Ɀino kana muciʋona Jerusarema rakombga nehondo, ziʋai kuti roɗokuparadzwa. Musi uyo ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; naʋari pakati paro ŋgaʋaɓuɗe; naʋari kuruwa ŋgaʋarege kupinda’mo. Nokuti iwayo ndiwo mazuʋa okutsiʋa, kuti ɀose ɀakanyorwa ɀiitike. Asi ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kucaʋa’po panyika, nokutsamŋa pamsoro paʋanhu iʋaʋo. Ʋacaparadzwa nomuromo womunondo, nokutapxa kumarudzi ose; Jerusarema ricatsikwa naʋahedeni, kuȿikira ŋguʋa dzaʋahedeni dzazadzika.
Ruka 21:5-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)