Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 21:5-24

Ruka 21:5-24 SNA2002

Zvino vamwe vakati vachitaura pamusoro petemberi, kuti yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo, iye akati, “Kana zviri izvi zvamunoona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.” Zvino vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipi, kana izvozvi zvoda kuitwa?” Akati, “Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu’; ‘Nguva yaswedera.’ Musavatevera. “Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusi pakarepo.” Akati kwavari, “Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, noushe humwe huchamukira humwe ushe. Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo. Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo namadzishe, nokuda kwezita rangu. Ichi chichava chapupu kwamuri. Naizvozvo simbai mumwoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo. Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva. Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun'una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachaurawa. Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu. “Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarasiki. Nokutsungirira kwenyu muchawana upenyu hwenyu. “Zvino kana muchiona Jerusaremu rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa. Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari mukati maro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo. Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike. Asi vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kuchavapo panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivavo. Vachaparadzwa nomunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusaremu richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika.

Verenga chikamu Ruka 21