Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 21:5-24

Ruka 21:5-24 SCLB

Vamwe pavaitaura nezveTemberi kuti yakashongedzwa zvakadii namatombo akakosha nezvipo, Jesu akati, “Zvamuri kuona izvi, mazuva ari kuuya hapazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.” Vakamubvunza kuti, “Nhai mudzidzisi izvi zvichaitika rinhi uye kuti chiratidzo chokuti zvava kuda kuitika chichava chipi?” Iye akati, “Chenjerai kuti murege kurasikiswa nokuti kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye.’ Uye vachati, ‘Nguva yasvika.’ Imi musavatevere. Kana monzwa zvehondo namanyongori, musatye nokuti izvi zvinofanira kutanga zvaitika asi kuguma hakubva kwangova pakare pakarepo.” Akazoti kwavari, “Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo. Kuchava nokundengendeka kwapasi kukuru, munzvimbo dzakasiya–siyana muchava nedzinzara nezvirwere, kuchava nezvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichibva kudenga. Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu. Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo. Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei. Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi. Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu. Muchavengwa navose pamusana pezita rangu. Asi hapana kana ruvhudzi rwomusoro wenyu ruchatsakatika. Kutsungirira kwenyu kuchakuwanirai upenyu hwenyu. “Kana moona Jerusaremu yakomberedzwa nehondo. Ibvai maziva kuti kuparadzwa kwayo kwava pedyo. Vanenge vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Vanenge vari muguta ngavabvemo. Vanenge vari kunze kumaruwa ngavarege kupinda mariri nokuti iwaya anenge ari mazuva okutsividza kuzadzisa zvose zvakanyorwa. Hameno zvavo vanenge vakazvitakura navavo vanenge vachiyamwisa pamazuva iwayo nokuti pachava nenhamo huru panyika nokurangwa kwavanhu ava. Vachaparadzwa nehondo yebakatwa vachitapwa mukati memarudzi ose. Jerusaremu ichatsokodzerwa nevechirudzi; kusvikira nguva yevechirudzi yazadziswa.

Verenga chikamu Ruka 21