Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 21:5-24

Ruka 21:5-24 SUB1949

Ɀino ʋamŋe ʋakati ʋacitaura pamsoro petembere, kuti yakaŋga yakashoŋgedzwa namabge akanaka neɀipo, iye akati: Kana ɀiri iɀi ɀamunoʋona, mazuʋa acaȿika, asiŋgazoregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi. Ɀino ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cicaʋa cipi, kana iɀoɀi ɀoɗo‐kuitwa? Akati: Cenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu; ŋguʋa yasweɗera. Musaʋateʋera. Kana mucinzwa ɀokurwa, nenyoŋganiso, musavunduka henyu, nokuti iɀoɀi ɀinofanira kumboitwa; asi kuguma hakuȿiki pakarepo. Akati kwaʋari: Rudzi rumŋe rucamukira rumŋe rudzi, noʋushe bgumŋe bgucamukira bgumŋe ʋushe. Kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika kucaʋa’po, nokunedzimŋe nɀimbo nzara nehosha, neɀinotyisa, ʋuye ɀiratidzo ɀikuru, ɀicabva kuɗeŋga, ɀicaʋa’po. Asi iɀoɀi ɀose ɀisati ɀaȿika, ʋacakuɓatai, nokukutambudzai, ʋacikuisai kumasinagoge nomumatoroŋgo, nokukuisai pamberi pamadzimambo naʋaɓati, nokuɗa kwezita raŋgu. Ici cicaʋa capupu kwamuri. Naiɀoɀo simbai mumŋoyo menyu, kuti murege kumbofuŋgisisa pamucapindura napo. Nokuti ndicakupai muromo nokucenjera, kucakonesa ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose kukukundai nokuramba ɀamunoreʋa. Mucaiswa kuʋatoŋgi kunyaŋge naʋaɓereki, naʋanuŋuna, nehama, neshamŋari; ʋamŋe ʋenyu ʋacaʋurawa. Mucaʋeŋgwa naʋanhu ʋose nokuɗa kwezita raŋgu. Asi ruvudzi rumŋe rwomusoro wenyu haruŋgarashiki. Nokutsuŋgirira kwenyu mucawana ʋupenyu bgenyu. Ɀino kana muciʋona Jerusarema rakombga nehondo, ziʋai kuti roɗokuparadzwa. Musi uyo ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; naʋari pakati paro ŋgaʋaɓuɗe; naʋari kuruwa ŋgaʋarege kupinda’mo. Nokuti iwayo ndiwo mazuʋa okutsiʋa, kuti ɀose ɀakanyorwa ɀiitike. Asi ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kucaʋa’po panyika, nokutsamŋa pamsoro paʋanhu iʋaʋo. Ʋacaparadzwa nomuromo womunondo, nokutapxa kumarudzi ose; Jerusarema ricatsikwa naʋahedeni, kuȿikira ŋguʋa dzaʋahedeni dzazadzika.

Verenga chikamu Ruka 21