Ruka 19:29-48
Ruka 19:29-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti, “Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano. Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’ ” Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo. Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?” Ivo vakamupindura vakati, “Ishe anoida.” Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi. Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa. Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti: “Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!” “Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!” Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!” Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.” Akati aswedera kuJerusarema uye achiona guta, akachema pamusoro paro akati, “Dai iwe, kunyange iyewe, waiziva chete pazuva rino zvinhu zvaizokupa rugare, asi zvino zvakavanzwa pameso ako. Mazuva achasvika pamusoro pako ayo vavengi vako vachakuvakira muchinjiziri vagokukomberedza uye vagokumanikidza kumativi ose. Vachakupwanyira pasi, iwe navana vari mukati mamasvingo ako. Havazongosiyi ibwe pamusoro perimwe nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako naMwari.” Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya. Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.
Ruka 19:29-48 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati oswedera Bhetifage neBhetania, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri, achiti, “Endai kumusha wakatarisana nemi; kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasvwa nomunhu; muisunungure, mugouya nayo. Kana mumwe akakubvunzai, achiti, ‘Munoisunungurireiko?’ Muti kwaari, ‘Kudai ishe anoida.’ ” Avo vakatumwa vakaenda, vakandowana sezvaakanga avaudza. Zvino vakati vachisunungura mhuru, varidzi vayo vakati kwavari, “Munosunungurireiko mhuru?” Vakati, “Ishe anoida.” Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pemhuru, vakatasvisa Jesu pamusoro payo. Zvino achifamba, vakawarira nguo dzavo munzira. Akati oswedera pamaburusiro egomo reMiorivhi, vadzidzi vake vazhinji vose vakatanga kufara nokurumbidza Mwari nezwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vaona, vachiti, “Mambo ngaakudzwe, iye anouya muzita raIshe! Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!” Vamwe vaFarisi pakati pavazhinji vakati kwaari, “Mudzidzisi, rairai vadzidzi venyu!” Akapindura, akati, “Ndinokuudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.” Zvino akati aswedera pedyo, akaona guta, akachema pamusoro paro, achiti, “Dai waiziva iwe zuva rino zvinhu zvingakupa rugare, asi zvino zvakavanzirwa meso ako! Nokuti uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose; vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.” Zvino akapinda mutemberi, akatanga kubudisira kunze vakanga vachitengesamo, achiti kwavari, “Kwakanyorwa kuti imba yangu ichava imba yokunyengetera; asi imi makaiita bako ramakororo.” Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi; asi vapristi vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuuraya. Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira, vachimunzwa.
Ruka 19:29-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakanga ava kusvika kuBhetifage nokuBhetania kugomo rinonzi Orivheti, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti, “Endai mumusha wakatarisana nesu wamunoti kana mavakupindamo muchaona chigondora chedhongi chakasungirirwa chisati chambotaswa nomunhu. Chisinungurei muuye nacho kuno. Kana munhu akakubvunzai kuti, ‘Muri kuchisunungurirei?’ Munomuti, ‘Tenzi anochida.’ ” Saizvozvo vaya vakatumwa vakaenda vakawana zvakangoita sokuvataurira kwaakanga aita. Pavakanga vavakuchisunungura varidzi vacho vakati kwavari, “Muri kuchisunungurirei?” Ivo vakati, “Tenzi vari kuchida.” Vakauya nacho kuna Jesu. Vakawaridza hanzu dzavo pachigondora chiya. Vakakwidza Jesu pachiri. Paaifamba kudaro vakawaridza hanzu dzavo munzira. Paakanga ava kuda kusvika kumateru eGomo reMiorivhi mhomho yose yavadzidzi vake yakatanga kupembera ichirumbidza Mwari ichidaidzira, ichirumbidza Mwari nokuda kwamabasa makuru avakanga vaona vachiti, “Ngaarumbidzwe Mambo anouya muzita raTenzi. Rugare ngaruve kudenga nembiri ive kumusorosoro.” Vamwe vaFarisei vaiva mumhomho iyoyo vakati kwaari, “Mudzidzisi tsiurai vadzidzi venyu.” Iye akapindura achiti, “Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, matombo chaiwo achadanidzira.” Paakanga ava kuda kusvika, akatarisa guta akarichema, achiti, “Dai wanga uchiziva nhai zvinhu zvinounza rugare asi zvino zvakavanzwa kwauri. Mazuva achakuvinga zvako, mhandu dzako padzichaita mazidhunduru muberere rako kukutenderedza vachikukomberedza kumativi ose. Vachakupwatitsira pasi, iwe navana vako vari mauri. Havachazosiya rimwe dombo riri pamusoro perimwe dombo mauri nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.” Jesu akapinda muTemberi akatangisa kudzinga vaitengesa achiti kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira asi imi makaiita bako ramakororo.’ ” Aidzidzisa mazuva ose muTemberi. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vavanhu vaitsvaka zvokumuparadza asi havana kuwana chavakagona kuita, nokuti vanhu vose vanga vangoti kwati kwati kumashoko ake.
Ruka 19:29-48 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati osweɗera Betfage neBetania, kugomo rinonzi reMiorivi, akatuma ʋadzidzi ʋake ʋaʋiri, aciti: Endai kumusha wakatarisana nemi; kana mucipinda mauri, mucawana mhuru yemboŋgoro yakasuŋgirwa, isina‐kumbotaȿwa nomunhu; muisunuŋgure, mugoʋuya nayo. Kana mumŋe akakubvunzai, aciti: Munoisunuŋgurireiko? muti kwaari kuɗai: Ishe unoiɗa. Aʋo ʋakatumŋa ʋakaenda, ʋakandowana seɀaakaŋga aʋaʋudza. Ɀino ʋakati ʋacisunuŋgura mhuru, ʋene ʋayo ʋakati kwaʋari: Munosunuŋgurireiko mhuru? Ʋakati: Ishe unoiɗa. Ʋakaʋuya nayo kunaJesu, ʋakaisa ŋguʋo dzaʋo pamsoro pemhuru, ʋakataȿisa Jesu pamsoro payo. Ɀino acifamba, ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira. Akati osweɗera pamaɓurusiro egomo reMiorivi, ʋadzidzi ʋake ʋazhinji ʋose ʋakataŋga kufara nokurumbidza Mŋari nenzwi guru pamsoro pamaɓasa ose esimba aʋakaŋga ʋaʋona, ʋaciti: Mambo ŋgaakudzwe, iye unoʋuya muzita raShe! Rugare ŋgaruʋe kuɗeŋga, nokubginya kumsoro‐soro! Ʋamŋe ʋaFarise pakati paʋazhinji ʋakati kwaari: Mudzidzisi, rairai ʋadzidzi ʋenyu! Akapindura, akati: Ndinokuʋudzai, kana aʋa ʋakanyarara, mabge aŋgaɗanidzira. Ɀino wakati asweɗera pedyo, akaʋona guta, akacema pamsoro paro, aciti: Ƌai waiziʋa iwe zuʋa rino ɀinhu ɀiŋgakupa rugare, asi ɀino ɀakaʋanzirwa meso ako! Nokuti ucaȿikirwa namazuʋa, aucaʋakirwa nawo mucinjiziri naʋaʋeŋgi ʋako, ʋacakukomba, nokukumanikidza pamatiʋi ose; ʋacakuparadzira pasi, iwe naʋana ʋako mukati mako; haʋaŋgaregi mukati mako ibge rimŋe riri pamsoro perimŋe; nokuti hauna‐kuziʋa ŋguʋa yokushanyirwa kwako. Ɀino wakapinda mutembere, akataŋga kuɓuɗisira kunze ʋakaŋga ʋaciteŋgesa’mo, aciti kwaʋari: Kwakanyorwa kuti imba yaŋgu icaʋa imba yokunyeŋgetera; asi imi makaiita ɓako ramakororo. Waidzidzisa zuʋa rimŋe nerimŋe mutembere; asi ʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋacitȿaka kumuʋuraya. Asi ʋakaŋga ʋasiŋgawani ɀaʋaŋgaita, nokuti ʋanhu ʋose ʋakamunamatira, ʋacimunzwa.
Ruka 19:29-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)