Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 19:29-48

Ruka 19:29-48 SUB1949

Wakati osweɗera Betfage neBetania, kugomo rinonzi reMiorivi, akatuma ʋadzidzi ʋake ʋaʋiri, aciti: Endai kumusha wakatarisana nemi; kana mucipinda mauri, mucawana mhuru yemboŋgoro yakasuŋgirwa, isina‐kumbotaȿwa nomunhu; muisunuŋgure, mugoʋuya nayo. Kana mumŋe akakubvunzai, aciti: Munoisunuŋgurireiko? muti kwaari kuɗai: Ishe unoiɗa. Aʋo ʋakatumŋa ʋakaenda, ʋakandowana seɀaakaŋga aʋaʋudza. Ɀino ʋakati ʋacisunuŋgura mhuru, ʋene ʋayo ʋakati kwaʋari: Munosunuŋgurireiko mhuru? Ʋakati: Ishe unoiɗa. Ʋakaʋuya nayo kunaJesu, ʋakaisa ŋguʋo dzaʋo pamsoro pemhuru, ʋakataȿisa Jesu pamsoro payo. Ɀino acifamba, ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira. Akati osweɗera pamaɓurusiro egomo reMiorivi, ʋadzidzi ʋake ʋazhinji ʋose ʋakataŋga kufara nokurumbidza Mŋari nenzwi guru pamsoro pamaɓasa ose esimba aʋakaŋga ʋaʋona, ʋaciti: Mambo ŋgaakudzwe, iye unoʋuya muzita raShe! Rugare ŋgaruʋe kuɗeŋga, nokubginya kumsoro‐soro! Ʋamŋe ʋaFarise pakati paʋazhinji ʋakati kwaari: Mudzidzisi, rairai ʋadzidzi ʋenyu! Akapindura, akati: Ndinokuʋudzai, kana aʋa ʋakanyarara, mabge aŋgaɗanidzira. Ɀino wakati asweɗera pedyo, akaʋona guta, akacema pamsoro paro, aciti: Ƌai waiziʋa iwe zuʋa rino ɀinhu ɀiŋgakupa rugare, asi ɀino ɀakaʋanzirwa meso ako! Nokuti ucaȿikirwa namazuʋa, aucaʋakirwa nawo mucinjiziri naʋaʋeŋgi ʋako, ʋacakukomba, nokukumanikidza pamatiʋi ose; ʋacakuparadzira pasi, iwe naʋana ʋako mukati mako; haʋaŋgaregi mukati mako ibge rimŋe riri pamsoro perimŋe; nokuti hauna‐kuziʋa ŋguʋa yokushanyirwa kwako. Ɀino wakapinda mutembere, akataŋga kuɓuɗisira kunze ʋakaŋga ʋaciteŋgesa’mo, aciti kwaʋari: Kwakanyorwa kuti imba yaŋgu icaʋa imba yokunyeŋgetera; asi imi makaiita ɓako ramakororo. Waidzidzisa zuʋa rimŋe nerimŋe mutembere; asi ʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋacitȿaka kumuʋuraya. Asi ʋakaŋga ʋasiŋgawani ɀaʋaŋgaita, nokuti ʋanhu ʋose ʋakamunamatira, ʋacimunzwa.

Verenga chikamu Ruka 19