Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 19:29-48

Ruka 19:29-48 SCLBD

Paakanga ava kusvika kuBhetifage nokuBhetania kugomo rinonzi Orivheti, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti, “Endai mumusha wakatarisana nesu wamunoti kana mavakupindamo muchaona chigondora chedhongi chakasungirirwa chisati chambotaswa nomunhu. Chisinungurei muuye nacho kuno. Kana munhu akakubvunzai kuti, ‘Muri kuchisunungurirei?’ Munomuti, ‘Tenzi anochida.’ ” Saizvozvo vaya vakatumwa vakaenda vakawana zvakangoita sokuvataurira kwaakanga aita. Pavakanga vavakuchisunungura varidzi vacho vakati kwavari, “Muri kuchisunungurirei?” Ivo vakati, “Tenzi vari kuchida.” Vakauya nacho kuna Jesu. Vakawaridza hanzu dzavo pachigondora chiya. Vakakwidza Jesu pachiri. Paaifamba kudaro vakawaridza hanzu dzavo munzira. Paakanga ava kuda kusvika kumateru eGomo reMiorivhi mhomho yose yavadzidzi vake yakatanga kupembera ichirumbidza Mwari ichidaidzira, ichirumbidza Mwari nokuda kwamabasa makuru avakanga vaona vachiti, “Ngaarumbidzwe Mambo anouya muzita raTenzi. Rugare ngaruve kudenga nembiri ive kumusorosoro.” Vamwe vaFarisei vaiva mumhomho iyoyo vakati kwaari, “Mudzidzisi tsiurai vadzidzi venyu.” Iye akapindura achiti, “Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, matombo chaiwo achadanidzira.” Paakanga ava kuda kusvika, akatarisa guta akarichema, achiti, “Dai wanga uchiziva nhai zvinhu zvinounza rugare asi zvino zvakavanzwa kwauri. Mazuva achakuvinga zvako, mhandu dzako padzichaita mazidhunduru muberere rako kukutenderedza vachikukomberedza kumativi ose. Vachakupwatitsira pasi, iwe navana vako vari mauri. Havachazosiya rimwe dombo riri pamusoro perimwe dombo mauri nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.” Jesu akapinda muTemberi akatangisa kudzinga vaitengesa achiti kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira asi imi makaiita bako ramakororo.’ ” Aidzidzisa mazuva ose muTemberi. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vavanhu vaitsvaka zvokumuparadza asi havana kuwana chavakagona kuita, nokuti vanhu vose vanga vangoti kwati kwati kumashoko ake.

Verenga chikamu Ruka 19