Ruka 15:16-24
Ruka 15:16-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akada kugutsa dumbu rake namateko aidyiwa nenguruve, asi hapana munhu akamupa kana chinhu. “Akati apengenuka mupfungwa dzake, akati, ‘Varanda vababa vangu vazhinji seiko uye vane zvokudya zvavanongosiya, uye zvino ini pano ndoziya zvokusvika pakufa! Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu ndinoti kwavari: Baba, ndakatadzira denga napamberi penyuwo. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu.’ Saka akasimuka akaenda kuna baba vake. “Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda. “Mwanakomana akati kuna baba vake, ‘Baba, ndakatadzira denga napamberi penyu. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’ “Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai! Uyai nenguo dzakaisvonaka mumupfekedze. Muise mhete pamunwe wake neshangu mutsoka dzake. Muuye nemhuru yakakodzwa muibaye. Ngatidyei tipembere. Nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, zvino araramazve; akanga arasika, zvino awanikwa.’ Saka vakatanga kupembera.
Ruka 15:16-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akanga achida kuzvigutsa namateko aidyiwa nenguruve; asi kwakanga kusina munhu waimupa. Zvino akati achizvifunga, akati, ‘Varanda vazhinji sei vababa vangu vane zvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa nenzara. Ndichasimuka, ndiende kuna baba vangu, nditi kwavari, baba, ndatadzira wedenga, nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavaranda venyu.’ Akasimuka, akaenda kuna baba vake. Akati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusvoda. “Mwanakomana akati kwavari, ‘Baba, ndatadzira wedenga nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’ Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai, muuye nenguo yakaisvonaka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshangu patsoka dzake; muuye nemhuru yakakodzwa, muibaye, tidye, tifare; nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, araramazve; akanga arasika, awanikazve.’ Zvino vakatanga kufara.
Ruka 15:16-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Angadai akatofara kudya mateko aidyiwa nenguruve asi hapana kana akamupa kana chinhu zvacho. Paakazobengenuka akazviti, ‘Vangani vashandi vababa vangu vane chokudya chakakwana vachitosia zvavo asi ini ndichifa nenzara kuno.’ Ndichasimuka ndiende kuna Baba vangu ndigondoti kwavari, ‘Baba ndakatadzira denga uye ndatadzawo kwamuri. Handichakodzeri kuti ndinzi mwana wenyu. Chindibatai somumwe wavashandi venyu.’ Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi iye achiri chinhambwe, baba vake vakamuona vakanzwa tsitsi. Vakamhanya ndokusvikomuti mbunde vakamutsvoda. Mwana uya akati kwavari, ‘Baba, ndakatadzira Wedenga uye ndakakutadzirai. Handichakodzeri kuti ndinzi mwana wenyu.’ Asi baba vakati kuvashandi vavo, ‘Kurumidzai kuuya negemenzi rakanakisisa mumupfekedze; muise ringi mumunwe wake neshangu mumakumbo, muuyewo nemhuru iya yakakodzwa muibaye, tidye tichifara nokuti mwana wangu uyu akanga afa ava mupenyu zvakare, akanga arasika zvino awanikwa.’ Ndokubva vatanga zvavo kufara zvikuru.
Ruka 15:16-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaŋga aciɗa kuɀigutsa namateko aidyiwa neŋguruʋe; asi kwakaŋga kusinomunhu waimupa. Ɀino wakati aciɀifuŋga, akati: Ʋaranda ʋazhinji sei ʋaɓaɓa ʋaŋgu ʋaneɀokudya ɀakawandisa, asi ini ndofa pano nenzara. Ndicasimuka, ndiende kunaɓaɓa ʋaŋgu, nditi kwaʋari: Ƃaɓa, ndatadzira kuɗeŋga, napamberi penyu, handicafaniri kunzi mŋanakomana wenyu; mundiite somumŋe waʋaranda ʋenyu. Akasimuka, akaenda kunaɓaɓa ʋake. Wakati aciri kure, ɓaɓa ʋake ʋakamuʋona, ʋakamunzwira tsitsi, ʋakamhanya, ndokumufuŋgatira, nokumuȿeta. Mŋanakomana akati kwaʋari: Ƃaɓa, ndatadzira kuɗeŋga napamberi penyu, handicafaniri kunzi mŋanakomana wenyu. Asi ɓaɓa ʋakati kuʋaranda ʋaʋo: Kurumidzai, muʋuye neŋguʋo yakaiȿo‐naka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshaŋgu patsoka dzake; muʋuye nemhure yakakodzwa, muiɓaye, tidye, tifare; nokuti mŋanakomana waŋgu uyu wakaŋga afa, wararama ɀe; wakaŋga arashika, wawanika ɀe Ɀino ʋakataŋga kufara.
Ruka 15:16-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)