Akanga achida kuzvigutsa namateko aidyiwa nenguruve; asi kwakanga kusina munhu waimupa. Zvino akati achizvifunga, akati, ‘Varanda vazhinji sei vababa vangu vane zvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa nenzara. Ndichasimuka, ndiende kuna baba vangu, nditi kwavari, baba, ndatadzira wedenga, nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavaranda venyu.’ Akasimuka, akaenda kuna baba vake. Akati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusvoda.
“Mwanakomana akati kwavari, ‘Baba, ndatadzira wedenga nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’ Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai, muuye nenguo yakaisvonaka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshangu patsoka dzake; muuye nemhuru yakakodzwa, muibaye, tidye, tifare; nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, araramazve; akanga arasika, awanikazve.’ Zvino vakatanga kufara.