Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 15

15
Mufananidzo wegwai rakarashika.
(Mat 8:12–14)
1Ɀino ʋateresi ʋose naʋatadzi ʋakasweɗera kwaari, kuzomunzwa. 2Ʋafarise naʋanyori ʋose ʋakaŋuŋuna, ʋaciti: Uyu munhu unogamucira ʋatadzi, acidya naʋo.
3Ɀino wakaʋaʋudza mufananidzo uyu, aciti: 4Ndianiko kwamuri unamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimŋe rawo, uŋgasasiya makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe murenje, akateʋera rakarashika kuȿikira ariwana? 5Kana ariwana, unoriisa pamafudzi ake, acifara. 6Kana aȿika kumusha, unokokera shamŋari dzake naʋakaʋaka naye, akati kwaʋari: Farai neni, nokuti ndawana gwai raŋgu rakaŋga rakarashika. 7Ndinoti kwamuri, saiɀoɀo mufaro ucaʋa kuɗeŋga pamsoro pomutadzi mumŋe unotendeʋuka, kupfuʋura paʋakarurama ʋanamakumi mapfumbamŋe naʋapfumbamŋe, ʋasiŋgatȿaki kutendeʋuka.
Mufananidzo wedrakema rakarashika.
8Ndoupiko mukadzi unamadrakema#15:8 Drakema mari ineŋge sisipenzi netiki. anegumi, kana arashikirwa nerimŋe, uŋgarega kutuŋgidza mŋenje, akatȿaira imba, akatȿakisisa, kuȿikira ariwana? 9Kana ariwana, unokokera hama dzake naʋakaʋaka naye, akati kwaʋari: Farai neni, nokuti ndawana drakema randakaŋga ndarashikirwa naro. 10Ndinoti kwamuri, saiɀoɀo mufaro uri’po pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari pamsoro pomutadzi mumŋe unotendeʋuka.
Mufananidzo womŋanakomana wakarashika.
11Ɀino wakati: Mumŋe munhu waiʋa naʋanakomana ʋaʋiri. 12Muɗuku waʋo akati kunaɓaɓa ʋake: Ƃaɓa, ndipei mugoʋe wenhaka ucazoʋa waŋgu. Akaʋagoʋera fuma yake. 13Mazuʋa mashoma akati apfuʋura, mŋanakomana muɗuku akaʋuŋganidza ɀose, akaenda kunyika iri kure; akaparadza’ko nhaka yake acifamba nemitoʋo yakaipa. 14Ɀino wakati apedza ɀose, nzara huru ikaȿika panyika iyo, akataŋga kushaiwa. 15Ipapo akaenda, akandoɀiisa kunomumŋe waʋanhu ʋenyika iyo; iye akamutumira kuminda yake, kundofudza ŋguruʋe. 16Wakaŋga aciɗa kuɀigutsa namateko aidyiwa neŋguruʋe; asi kwakaŋga kusinomunhu waimupa. 17Ɀino wakati aciɀifuŋga, akati: Ʋaranda ʋazhinji sei ʋaɓaɓa ʋaŋgu ʋaneɀokudya ɀakawandisa, asi ini ndofa pano nenzara. 18Ndicasimuka, ndiende kunaɓaɓa ʋaŋgu, nditi kwaʋari: Ƃaɓa, ndatadzira kuɗeŋga, napamberi penyu, 19handicafaniri kunzi mŋanakomana wenyu; mundiite somumŋe waʋaranda ʋenyu. 20Akasimuka, akaenda kunaɓaɓa ʋake. Wakati aciri kure, ɓaɓa ʋake ʋakamuʋona, ʋakamunzwira tsitsi, ʋakamhanya, ndokumufuŋgatira, nokumuȿeta. 21Mŋanakomana akati kwaʋari: Ƃaɓa, ndatadzira kuɗeŋga napamberi penyu, handicafaniri kunzi mŋanakomana wenyu. 22Asi ɓaɓa ʋakati kuʋaranda ʋaʋo: Kurumidzai, muʋuye neŋguʋo yakaiȿo‐naka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshaŋgu patsoka dzake; 23muʋuye nemhure yakakodzwa, muiɓaye, tidye, tifare; 24nokuti mŋanakomana waŋgu uyu wakaŋga afa, wararama ɀe; wakaŋga arashika, wawanika ɀe Ɀino ʋakataŋga kufara. 25Mŋanakomana wake weɗaŋgwe wakaŋga ari kumunda; ɀino wakati aciȿika, acisweɗera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba. 26Ipapo akaɗanira kwaari mumŋe waʋaranda, akamubvunza kuti iɀi ɀinyiko. 27Akati kwaari: Munuŋuna wako waȿika, ɀino ɓaɓa ʋako ʋaɓaya mhuru yakakodzwa, nokuti ʋamuwana ɀe ari mupenyu. 28Asi iye wakatsamŋa, akaramba kupinda. Ɀino ɓaɓa ʋake ʋakaɓuɗa, ʋakakumbira ɀikuru kwaari. 29Asi iye wakapindura, akati kunaɓaɓa ʋake: Tarirai, ndakakuɓatirai makore awa mazhinji, ndisiŋgatoŋgoɗariki murairo wenyu, asi hamuna‐kutoŋgondipa mbudzana, kuti ndifare neshamŋari dzaŋgu. 30Asi mŋanakomana wenyu uyu, wakaparadza fuma yenyu neɀifeʋe, wakati aciȿika, mamuɓayira mhuru yakakodzwa. 31Iʋo ʋakati kwaari: Mŋana waŋgu, iwe uneni ŋguʋa dzose, ɀose ɀaŋgu ndeɀako. 32Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munuŋuna wako uyu wakaŋga afa, wararama; wakaŋga arashika, akawanika.

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 15: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda