Ruka 14:28-33
Ruka 14:28-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here? Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka, achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’ “Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri? Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari. Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.

Ruka 14:28-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, asingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo? Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozviona, vasatanga kumuseka, vachiti, ‘Uyu munhu akatanga kuvaka, akakoniwa kupedzisa.’ Kana ndoupiko mambo, kana achienda kundorwa nomumwe mambo, asingatangi kugara pasi, akarangarira kana iye, ana vanhu vane zviuru zvamazana zvine gumi, angagona kundosangana noanouya kuzorwa naye, ana vanhu vane zviuru zvamazana zvina makumi maviri? Kana asingagoni, anotuma nhume, iye achiri kure, kundokumbira mashoko orugare. Saizvozvowo, ani naani kwamuri asingasii zvose zvaanazvo, haangavi mudzidzi wangu.”
Ruka 14:28-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiani wenyu anenge achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi achiverenga mari yaingadye kuti ane inokwana kuipedza here? Zvingaitike kuti iye achera ugaro hwayo wotadza kuipedza. Vose vanoiona vanotanga kumuseka vachiti, ‘Murume uyu akatangisa kuvaka asi akatadza kupedza.’ Kana kuti ndoupi mambo anenge ava kuda kuenda kundorwisana nomumwe mambo, asingatangi agara pasi achimbobvunza mazano kuti angagone here nezviuru gumi kundorwisana neane zviuru makumi maviri? Kana zvisingagoneki, mumwe uya achiri kure, iye anotumira mumiriri wokukumbira zvokuti pave norunyararo. Naizvozvo aninani asingasiyi zvose zvaanazvo haakwanisi kuva mudzidzi wangu.”
Ruka 14:28-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndiani kwamuri, kana aciɗa kuʋaka ȿiŋgo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaʋereŋga kukosha kwayo, kuʋona kana anemari yokuipedzisa nayo? Kuti ɀimŋe kana ataŋga nheyo, akakoniwa kupedzisa, ʋose ʋanoɀiʋona, ʋasataŋga kumuseka, ʋaciti: Uyu munhu wakataŋga kuʋaka, akakoniwa kupedzisa. Kana ndoupiko mambo, kana acienda kundorwa nomumŋe mambo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaraŋgarira kana iye, unaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinegumi, aŋgagona kundosoŋgana nounoʋuya kuzorwa naye, anaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinamakumi maʋiri? Kana asiŋgagoni, unotuma nhume, iye aciri kure, kundokumbira mashoko orugare. Saiɀoɀo ʋo, aninani kwamuri usiŋgasiyi ɀose ɀaanaɀo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu.
Ruka 14:28-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)