Ndiani wenyu anenge achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi achiverenga mari yaingadye kuti ane inokwana kuipedza here? Zvingaitike kuti iye achera ugaro hwayo wotadza kuipedza. Vose vanoiona vanotanga kumuseka vachiti, ‘Murume uyu akatangisa kuvaka asi akatadza kupedza.’ Kana kuti ndoupi mambo anenge ava kuda kuenda kundorwisana nomumwe mambo, asingatangi agara pasi achimbobvunza mazano kuti angagone here nezviuru gumi kundorwisana neane zviuru makumi maviri? Kana zvisingagoneki, mumwe uya achiri kure, iye anotumira mumiriri wokukumbira zvokuti pave norunyararo. Naizvozvo aninani asingasiyi zvose zvaanazvo haakwanisi kuva mudzidzi wangu.”
Verenga chikamu Ruka 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 14:28-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo