Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 14:28-33

Ruka 14:28-33 BDSC

“Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here? Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka, achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’ “Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri? Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari. Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.