Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 14:28-33

Ruka 14:28-33 SUB1949

Nokuti ndiani kwamuri, kana aciɗa kuʋaka ȿiŋgo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaʋereŋga kukosha kwayo, kuʋona kana anemari yokuipedzisa nayo? Kuti ɀimŋe kana ataŋga nheyo, akakoniwa kupedzisa, ʋose ʋanoɀiʋona, ʋasataŋga kumuseka, ʋaciti: Uyu munhu wakataŋga kuʋaka, akakoniwa kupedzisa. Kana ndoupiko mambo, kana acienda kundorwa nomumŋe mambo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaraŋgarira kana iye, unaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinegumi, aŋgagona kundosoŋgana nounoʋuya kuzorwa naye, anaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinamakumi maʋiri? Kana asiŋgagoni, unotuma nhume, iye aciri kure, kundokumbira mashoko orugare. Saiɀoɀo ʋo, aninani kwamuri usiŋgasiyi ɀose ɀaanaɀo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu.

Verenga chikamu Ruka 14