Ruka 1:8-9
Ruka 1:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake achibata somuprista pamberi paMwari, akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuhwira mutemberi yaShe.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 1Ruka 1:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, akati achibata basa roupristi pamberi paMwari, padzoro regovero rake, akagoverwa netsika dzoupristi, kuti apinde mutemberi yaIshe, kuzopisa zvinonhuwira.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 1Ruka 1:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Zakariya zvaakanga achiri kuita basa roupristi pamberi paMwari, janha regovero rovokwake, samaitiro avapristi, ndivo vakabatwa nomujenya wokuti vapinde munzvimbo Inoera yeTemberi kundopisa rusenzi.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 1