Ruka 1:68-75
Ruka 1:68-75 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe, nokuti akauya akadzikinura vanhu vake. Akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi, sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare, iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu naparuoko rwavose vanotivenga, kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene, mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama: kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu, uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi, muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.

Ruka 1:68-75 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ishe, Mwari wavaIsiraeri, ngaakudzwe; Nokuti aakamutsa vanhu vake, nokuvadzikinura, Akatisimudzira runyanga rwokuponeswa Mumba momuranda wake, Dhavhidhi; Sezvaakataura nomuromo wavaporofita vake vatsvene, vakanga varipo kubva pakuvamba kwenyika, Kutiponesa pavavengi vedu, napamaoko avose vanotivenga; Kunzwira madzibaba edu ngoni, Nokurangarira sungano yake tsvene; Kupika kwaakapika nako kuna baba vedu Abhurahamu, Kutipa simba isu, tasunungurwa mumaoko avavengi vedu, Kuti timushumire tisingatyi, Nohutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
Ruka 1:68-75 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari wavaIsiraeri, nokuti akashanyira vanhu vake, akavanunura; akatimutsira Muponesi ane simba mumba maDhavhidhi muranda wake, sokutaura kwaakaita nemiromo yavaporofita vake vatsvene vakare, kuti atinunure kumhandu dzedu, nomumaoko avose vanotivenga, kuri kuratidza tsitsi sokutsidza kwaakamboita kumadzitateguru edu, nokuyeukawo Chitenderano chake chitsvene, nechitsidzo chaakaita kuna baba vedu Abhurahamu, chokuti kana tanunurwa mumaoko emhandu dzedu, timushandire tisingatyi, tichiita mabasa edu tiri vatsvene vakarurama pamberi pake mazuva edu ose.
Ruka 1:68-75 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ishe, Mŋari waʋaIsraeri, ŋgaakudzwe; Nokuti wakamutsa ʋanhu ʋake, nokuʋadzikinura, Akatisimudzira runyaŋga rwokuponeswa Mumba momuranda wake, Davidi; (Seɀaakataura nomuromo waʋaprofita ʋake ʋatȿene, ʋakaŋga ʋari’po kubva pakuʋamba kwenyika), Kutiponesa paʋaʋeŋgi ʋeɗu, napamaʋoko aʋose ʋanotiʋeŋga; Kunzwira madziɓaɓa eɗu ŋgoni, Nokuraŋgarira suŋgano yake tȿene; Kupika kwaakapika nako kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, Kutipa simba isu, tasunuŋgurwa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu, Kuti timushumire tisiŋgatyi, Noʋutȿene nokururama pamberi pake mazuʋa eɗu ose.
Ruka 1:68-75 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)