Ruka 1:57-66
Ruka 1:57-66 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana, akazvara mwana mukomana. Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye. Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria, asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.” Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.” Ipapo vakaninira namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana. Akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo. Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari. Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose. Vanhu vose vakazvinzwa vakashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.
Ruka 1:57-66 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nguva yaErizabheti yokusunguka kwake yakasvika; akabereka mwanakomana. Zvino vakavakidzana navo nehama dzavo vakati vanzwa kuti Ishe akanga amuitira ngoni huru, vakafara naye. Zvino nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zekariya. Ipapo mai vakapindura, vakati, “Kwete, achatumidzwa Johani.” Vakati kwaari, “Hakuna munhu kuhama dzenyu akatumidzwa zita iro.” Vakabvunza baba vake, vachidudzira namaoko, kuti anzi aniko? Vakakumbira chinyorero vakanyora kuti, “Johani, ndiro zita rake.” Vakashamiswa vose. Kamwe-kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari. Kutya kukawira vose vakanga vagere navo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudhea. Vose vakaanzwa, vakaachengeta mumwoyo mavo, vachiti, “Achazova mwana wakadiniko?” Nokuti ruoko rwaIshe rwakava naye.
Ruka 1:57-66 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino mazuva okuti Erizabheti asununguke zvaakakwana, akapona mwana mukomana. Kuzoti vavakidzani vake nehama dzake vanzwa kuti Tenzi akamuitira tsitsi dzakawanda kudai, vakafara kwazvo pamwechete naye. Nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana. Vakanga vachida kumutumidza zita rababa vake rokuti Zakariya, asi amai vake vakati, “Kwete, ngaanzi Johani.” Vanhu vakati kuna amai vake, “Hakuna mumwe wehama dzenyu anodaidzwa nezita iri.” Ipapo vakaninira baba vake vachida kuziva kuti vangade kuti anzi ani. Iye akakumbira chinyorero, akanyora kuti, “Zita rake ndiJohani.” Vose vakashamiswa zvikuru. Pakarepo muromo Zakariya wakabva wazaruka, rurimi rwake rukabva rwasununguka, ndokubva avakutotaura achirumbidza Mwari. Pakave nokutya mukati mavavakidzani vavo, nyaya dzezvinhu izvi dzakafamba kwose kwose munyika yamakomo yeJudhea. Vose vakazvinzwa vakazvipfundira mumwoyo yavo vachiti, “Ko, mwana uyu achazova munhu akaita sei chaizvo?” Nokuti ruoko rwaTenzi rwakanga rwuri paari.
Ruka 1:57-66 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ŋguʋa yaErisabete yokuɀara kwake yakaȿika; akaɓereka mŋanakomana. Ɀino ʋakaʋakirana naʋo nehama dzake ʋakati ʋanzwa kuti Ishe wakaŋga amuitira ŋgoni huru, ʋakafara naye. Ɀino nezuʋa rorusere ʋakaʋuya kuzodziŋgisa mŋana, ʋakaɗa kumutumidza zita raɓaɓa ʋake, Zakaria. Ipapo mai ʋakapindura, ʋakati: Kwete, ucatumidzwa Johane. Ʋakati kwaari: Hakunomunhu kuhama dzenyu wakatumidzwa zita iro. Ʋakabvunza ɓaɓa ʋake, ʋaciɗudzira namaʋoko, kuti anzi aniko. Ʋakakumbira ibge rokunyora pariri, ʋakanyora ʋaciti: Johane, ndiro zita rake. Ʋakashamiswa ʋose. Kamŋe‐kamŋe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasunuŋguka, akataura, akarumbidza Mŋari. Kutya kukawira ʋose ʋakaŋga ʋagere naʋo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudea. Ʋose ʋakaanzwa, ʋakaaceŋgeta mumŋoyo maʋo, ʋaciti: Ucazoʋa mŋana wakaɗiniko? Nokuti ruʋoko rwaShe rwakaʋa naye.
Ruka 1:57-66 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)