Ruka 1:39-43
Ruka 1:39-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea, uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti. Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene. Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara! Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri?
Ruka 1:39-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea; akapinda mumba maZekariya, akakwazisa Erizabheti. Zvino Erizabheti akati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene, akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve! Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaIshe wangu?
Ruka 1:39-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kune rimwe guta rokwaJudha. Akapinda mumba maZakariya, akakwazisa Erizabheti. Erizabheti, paakanzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akabva akwakuka mudumbu make. Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene, ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu.
Ruka 1:39-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Namazuʋa iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudea; akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erisabete. Ɀino Erisabete wakati acinzwa kukwazisa kwaMaria, mŋana akakwakuka muɗumbu rake; ipapo Erisabete akazadzwa noMŋeya Mutȿene, akaɗana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati paʋakadzi, neciɓereko ceɗumbu rako cakaropafadzwa! Ɀaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai ʋaShe waŋgu?
Ruka 1:39-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)