Ruka 1:31-38
Ruka 1:31-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru–mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi. Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?” Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari. Chiona kuti kana hama yakowo Erizabheti, kunyange zvake achembera atova napamuviri pomwana mukomana; mwedzi uno watove mwedzi wechitanhatu kune munhu wainzi imhanje. Nokuti pana Mwari hapana chisingagonekwi.” Maria akati, “Onai ndiri murandakadzi waTenzi, ngazviitwe kuneni sokureva kwenyu.” Mutumwa ndokubva omusia oenda zvake.
Ruka 1:31-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.” Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?” Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari. Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki. Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.” Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari.
Ruka 1:31-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarira, uchava napamuviri, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. Achatonga imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake hahungavi nomugumo.” Ipapo Maria akati kumutumwa, “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi, Mwanakomana waMwari. Uye tarira, Erizabheti, hama yako, naiye wava napamuviri pomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye ainzi haabereki. “Nokuti hakuna shoko raMwari richashaiwa simba.” Ipapo Maria akati, “Tarirai, ndiri mushandiri waIshe; ndiitirwe hangu sezvamataura.” Mutumwa akabva kwaari.
Ruka 1:31-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru–mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi. Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?” Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari. Chiona kuti kana hama yakowo Erizabheti, kunyange zvake achembera atova napamuviri pomwana mukomana; mwedzi uno watove mwedzi wechitanhatu kune munhu wainzi imhanje. Nokuti pana Mwari hapana chisingagonekwi.” Maria akati, “Onai ndiri murandakadzi waTenzi, ngazviitwe kuneni sokureva kwenyu.” Mutumwa ndokubva omusia oenda zvake.
Ruka 1:31-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarira, ucaʋa nemimba, ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye ucaʋa mukuru, ucanzi Mŋanakomana woWokumsoro‐soro; Ishe Mŋari ucamupa cigaro coʋushe caɓaɓa ʋake Davidi. Ucaɓata imba yaJakobo nokusiŋgaperi, noʋushe bgake habguŋgaʋi nomugumo. Ipapo Maria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ɀiŋgaʋa seiko, ɀandisiŋgaziʋi murume? Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Mŋeya Mutȿene ucaʋuya pamsoro pako, nesimba roWokumsoro‐soro ricakufukidza; saka ico citȿene cicaɓerekwa cicanzi: Mŋanakomana waMŋari. Ʋuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye waʋa nemimba ʋo yomŋanakomana pakucembera kwake; mŋedzi uno waʋa wecitanhatu kunaiye wainzi haaɓereki. Nokuti hakuneshoko raMŋari ricashaiwa simba. Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe haŋgu seɀamataura. Mutumŋa akabva kwaari.