Ruka 1:30-35
Ruka 1:30-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.” Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?” Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.
Ruka 1:30-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mutumwa akati kwaari, “Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari. Tarira, uchava napamuviri, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. Achatonga imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake hahungavi nomugumo.” Ipapo Maria akati kumutumwa, “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi, Mwanakomana waMwari.
Ruka 1:30-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutumwa waMwari ndokupindura oti, “Usatye zvako Maria, nokuti Mwari afadzwa zvake newe. Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru–mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi. Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?” Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari.
Ruka 1:30-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mutumŋa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMŋari. Tarira, ucaʋa nemimba, ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye ucaʋa mukuru, ucanzi Mŋanakomana woWokumsoro‐soro; Ishe Mŋari ucamupa cigaro coʋushe caɓaɓa ʋake Davidi. Ucaɓata imba yaJakobo nokusiŋgaperi, noʋushe bgake habguŋgaʋi nomugumo. Ipapo Maria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ɀiŋgaʋa seiko, ɀandisiŋgaziʋi murume? Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Mŋeya Mutȿene ucaʋuya pamsoro pako, nesimba roWokumsoro‐soro ricakufukidza; saka ico citȿene cicaɓerekwa cicanzi: Mŋanakomana waMŋari.
Ruka 1:30-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)