Ruka 1:1-26
Ruka 1:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu, sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri neavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko. Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa, kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa. Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni. Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa. Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo. Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake achibata somuprista pamberi paMwari, akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuhwira mutemberi yaShe. Uye nguva yokupisa zvinonhuhwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera. Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuhwira. Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani. Achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwokuberekwa kwake, nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake. Achadzorera vanhu vazhinji vaIsraeri kuna She Mwari wavo. Uye achafamba pamberi paShe, mumweya nomusimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana vavo uye kuti vasingateereri vadzokere kuuchenjeri hwavakarurama, kuti agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira Ishe.” Zekaria akabvunza mutumwa akati, “Ndichazviziva seiko izvi? Ini ndava murume mutana uye mukadzi wangu achembera kwazvo.” Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe, ndizokuudza nhau dzakanaka idzi. Uye iye zvino uchava chimumumu uye uchatadza kutaura kusvikira pazuva razvichaitika, nokuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achaitika nenguva yawo.” Zvichakadaro, vanhu vakanga vakamirira Zekaria vakashamiswa kuti akanga atora nguva yakareba kudai seiko ari mutemberi. Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura. Nguva yokushumira kwake yakati yapera, akadzokera kumba kwake. Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akazvivanza kwemwedzi mishanu. Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.” Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea
Ruka 1:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Sezvo vazhinji vakaita basa rokunyora rondedzero yezvinhu zvakaitika pakati pedu, sokuzvigamuchidzwa kwatakaitwa navaya vakanga vazviona nemeso kubvira pakutanga kwazvo, uyezve vari vaparidzi veshoko, neniwo, mushure mokunyatsotsvagisisa zvinhu zvose nemazvo, kubvira kumavambo azvo, ndakazviona chiri chinhu chakanaka kuti, ndikunyorerei rondedzero yazvo yakakwana, imi vaTeofiro vanoremekedzwa, kuti munyatsoziva idi rezvinhu zvamakadzidziswa. Pamazuva aHerodhi, mambo weJudhea, kwaiva nomumwe mupristi ainzi Zakariya wegovero raAbhiya. Aiva nomudzimai akanga ari wedzinza raAroni, zita rake ainzi Erizabheti. Vakanga vakarurama pamberi paMwari vose vari vaviri, vasina chinoshoreka pakutevedza zviri pamitemo nepamirao yaTenzi. Asi vakanga vasina mwana nokuti Erizabheti akanga ari mhanje, uyezve, vose vari vaviri vakanga vachembera. Zvino Zakariya zvaakanga achiri kuita basa roupristi pamberi paMwari, janha regovero rovokwake, samaitiro avapristi, ndivo vakabatwa nomujenya wokuti vapinde munzvimbo Inoera yeTemberi kundopisa rusenzi. Gurumwandira ravanhu rakanga richinamata kunze panguva yokupisira rusenzi. Pakarepo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akamira nechokurudyi rweatari yorusenzi. Zakariya zvaakamuona akavhunduka, akabatwa nokutya. Asi mutumwa waTenzi akati kwaari, “Rega zvako kutya, Zakariya, nokuti munamato wako wakanzwika. Mudzimai wako, Erizabheti achakuberekera mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Johani. “Iwe uchazofara nokupembera, vazhinji vachazofarirawo kuberekwa kwake, nokuti achava mukuru pamberi paTenzi; haachazonwi waini kana doro rinodhaka, achazadzwa naMweya Mutsvene kubvira achiri munhumbu maamai vake. Achazodzorera vazhinji vavaIsiraeri kuna Tenzi Mwari wavo. Achafamba pamberi paTenzi aina mweya nesimba raEriya kuti awadzanise madzibaba navana vavo; nokudzorera vasingateereri kuhungwaru hwavakarurama, kuti nhadzirire Tenzi vanhu vakamugadzirira.” Zakariya akati kumutumwa, “Ndingazive seiko zvinhu izvi? Ini ndakwegura uye mudzimai wangu achembera?” Mutumwa akamuti, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari, ndatumwa naTenzi kuti nditaure newe nokukuparidza shoko iri rakanaka. “Chinzwa, uchava chimumumu, usingagoni kutaura kusvikira musi wazvichaitika, nokuti hauna kutenda zvandakuudza, izvo zvichazoitika nenguva yazvo.” Izvozvo vanhu vakanga vakangomirira Zakariya, votoshamiswa kwazvo kuti chii chamunonotsa kudai muTemberi. Zvino akati abuda, haana kugona kutaura kwavari. Vanhu ndokubva vaziva kuti aona chiratidzo muTemberi. Akatoita zvokuvaninira maoko, ndokuramba angove chimumumu. Kuzoti mazuva ebasa rake apera, akadzokera kumusha kwake. Shure kwaizvozvi, mudzimai wake Erizabheti akava napamuviri akazvivanza kwemwedzi mishanu, achiti, “Ndozvandakaitirwawo naTenzi pamazuva aakandiringa kuti andibvise nyadzi pamberi pavanhu.” Nomwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuguta reGarirea rinonzi Nazareti
Ruka 1:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vazhinji zvavakaedza kurondedzera mashoko ezvinhu izvo zvakaitika pakati pedu, sezvavakatipa ivo vakazviona nameso avo kubva pakutanga, navaiva vanyai veshoko, neniwo, ndakati ndanatsofeya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorereiwo nokutevedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira; kuti muzive kuti mashoko amakadzidziswa ndeezvokwadi. Namazuva aHerodhi, mambo weJudhea, mumwe mupristi aivapo, ainzi Zekariya, wegovero raAbhia; mukadzi wake aiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erizabheti. Vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaIshe, vasina chavangapomerwa. Vakanga vasina mwana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki, uye vakanga vachembera vose vari vaviri. Zvino, akati achibata basa roupristi pamberi paMwari, padzoro regovero rake, akagoverwa netsika dzoupristi, kuti apinde mutemberi yaIshe, kuzopisa zvinonhuwira. Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira. Ipapo mutumwa waIshe akaonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira. Zekariya akatambudzika achimuona; kutya kukamuwira. Mutumwa akati kwaari, “Usatya Zekariya, nokuti kukumbira kwako kwanzwika. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johani. Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake. Nokuti iye achava mukuru pamberi paIshe; haangatongonwi waini nezvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kubva mudumbu ramai vake. Achadzorera vazhinji vavana vaIsiraeri kuna Ishe, Mwari wavo. “Achafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuuchenjeri hwavakarurama, agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.” Zekariya akati kumutumwa, “Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava harahwa, nomukadzi wangu achembera.” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. “Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.” Vanhu vakanga vakamirira Zekariya vakashamiswa nokunonoka kwake mutemberi. Zvino akati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti akanga aona chiratidzo mutemberi; iye akaramba achininira namaoko, akaramba ari mbeveve. Zvino mazuva okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake. Mazuva iwayo akati apfuura, Erizabheti mukadzi wake akava napamuviri, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti, “Ndizvo zvandakaitirwa naIshe namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu.” Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhurieri akatumwa naMwari kuguta reGariria, rinonzi Nazareta
Ruka 1:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sezvo vazhinji vakaita basa rokunyora rondedzero yezvinhu zvakaitika pakati pedu, sokuzvigamuchidzwa kwatakaitwa navaya vakanga vazviona nemeso kubvira pakutanga kwazvo, uyezve vari vaparidzi veshoko, neniwo, mushure mokunyatsotsvagisisa zvinhu zvose nemazvo, kubvira kumavambo azvo, ndakazviona chiri chinhu chakanaka kuti, ndikunyorerei rondedzero yazvo yakakwana, imi vaTeofiro vanoremekedzwa, kuti munyatsoziva idi rezvinhu zvamakadzidziswa. Pamazuva aHerodhi, mambo weJudhea, kwaiva nomumwe mupristi ainzi Zakariya wegovero raAbhiya. Aiva nomudzimai akanga ari wedzinza raAroni, zita rake ainzi Erizabheti. Vakanga vakarurama pamberi paMwari vose vari vaviri, vasina chinoshoreka pakutevedza zviri pamitemo nepamirao yaTenzi. Asi vakanga vasina mwana nokuti Erizabheti akanga ari mhanje, uyezve, vose vari vaviri vakanga vachembera. Zvino Zakariya zvaakanga achiri kuita basa roupristi pamberi paMwari, janha regovero rovokwake, samaitiro avapristi, ndivo vakabatwa nomujenya wokuti vapinde munzvimbo Inoera yeTemberi kundopisa rusenzi. Gurumwandira ravanhu rakanga richinamata kunze panguva yokupisira rusenzi. Pakarepo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akamira nechokurudyi rweatari yorusenzi. Zakariya zvaakamuona akavhunduka, akabatwa nokutya. Asi mutumwa waTenzi akati kwaari, “Rega zvako kutya, Zakariya, nokuti munamato wako wakanzwika. Mudzimai wako, Erizabheti achakuberekera mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Johani. “Iwe uchazofara nokupembera, vazhinji vachazofarirawo kuberekwa kwake, nokuti achava mukuru pamberi paTenzi; haachazonwi waini kana doro rinodhaka, achazadzwa naMweya Mutsvene kubvira achiri munhumbu maamai vake. Achazodzorera vazhinji vavaIsiraeri kuna Tenzi Mwari wavo. Achafamba pamberi paTenzi aina mweya nesimba raEriya kuti awadzanise madzibaba navana vavo; nokudzorera vasingateereri kuhungwaru hwavakarurama, kuti nhadzirire Tenzi vanhu vakamugadzirira.” Zakariya akati kumutumwa, “Ndingazive seiko zvinhu izvi? Ini ndakwegura uye mudzimai wangu achembera?” Mutumwa akamuti, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari, ndatumwa naTenzi kuti nditaure newe nokukuparidza shoko iri rakanaka. “Chinzwa, uchava chimumumu, usingagoni kutaura kusvikira musi wazvichaitika, nokuti hauna kutenda zvandakuudza, izvo zvichazoitika nenguva yazvo.” Izvozvo vanhu vakanga vakangomirira Zakariya, votoshamiswa kwazvo kuti chii chamunonotsa kudai muTemberi. Zvino akati abuda, haana kugona kutaura kwavari. Vanhu ndokubva vaziva kuti aona chiratidzo muTemberi. Akatoita zvokuvaninira maoko, ndokuramba angove chimumumu. Kuzoti mazuva ebasa rake apera, akadzokera kumusha kwake. Shure kwaizvozvi, mudzimai wake Erizabheti akava napamuviri akazvivanza kwemwedzi mishanu, achiti, “Ndozvandakaitirwawo naTenzi pamazuva aakandiringa kuti andibvise nyadzi pamberi pavanhu.” Nomwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuguta reGarirea rinonzi Nazareti
Ruka 1:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋazhinji ɀaʋakaidza kurondedzera mashoko eɀinhu iɀo ɀakaitika pakati peɗu, seɀaʋakatipa iʋo ʋakaɀiʋona nameso aʋo kubva pakutaŋga, naʋaiʋa ʋanyai ʋeshoko, neni ʋo, ndakati ndanatso‐feya ɀose kubva pakutaŋga, ndakati ɀakanaka kuti ndikunyorerei ʋo nokuteʋedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira; kuti muziʋe kuti mashoko amakadzidziswa ndeeɀokwaɗi. Namazuʋa aHerode, mambo weJudea, mumŋe muprista waiʋa’po, wainzi Zakaria, wegoʋero raAbia; mukadzi wake waiʋa waʋanasikana ʋaAroni, zita rake rainzi Erisabete. Ʋakaŋga ʋakarurama ʋose, ʋari ʋaʋiri, pamberi paMŋari, ʋacifamba nemirairo neɀakarurama ɀose ɀaShe, ʋasina‐caʋaŋgapomerwa. Ʋakaŋga ʋasinomŋana, nokuti Erisabete wakaŋga asiŋgaɓereki, ʋuye ʋakaŋga ʋacembera ʋose ʋari ʋaʋiri. Ɀino, wakati aciɓate‐ɓasa roʋuprista pamberi paMŋari, padzoro regoʋero rake, akagoʋerwa netsika dzoʋuprista, kuti apinde mutembere yaShe, kuzopisa ɀinonhuwira. Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakaŋga ʋacinyeŋgetera kunze neŋguʋa yokupisa ɀinonhuwira. Ipapo mutumŋa waShe wakaʋonekwa naye, amire kurudyi rweartari yeɀinonhuwira. Zakaria akamanikidzwa acimuʋona; kutya kukamuwira. Mutumŋa akati kwaari: Usatya Zakaria, nokuti kukumbira kwako kwanzwika, mukadzi wako Erisabete ucakuɓerekera mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johane. Iwe ucaʋa nomufaro nokufarisisa, naʋazhinji ʋacafarira kuɓerekwa kwake. Nokuti iye ucaʋa mukuru pamberi paShe; haaŋgatoŋgonwi waini neɀinoɓata; ucazadzwa noMŋeya Mutȿene kubva paɗumbu ramai ʋake. Ucadzorera ʋazhinji ʋaʋana ʋaIsraeri kunaShe, Mŋari waʋo. Ucafamba pamberi pake noMŋeya nesimba raEria, kuti adzorere mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, naʋasiŋgatereri kuʋucenjeri bgaʋakarurama, agadzirire Ishe ʋanhu ʋakamugadzirirwa kwaɀo. Zakaria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ndicaɀiziʋa seiko? Nokuti ini ndaʋa mutana, nomukadzi waŋgu wacembera. Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMŋari; ndatumŋa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. Tarira, ucanyarara, usiŋgagoni kutaura, kuȿikira zuʋa rinoitwa ɀinhu iɀi, nokuti hauna‐kutenda mashoko aŋgu, acaitika neŋguʋa yawo. Ʋanhu ʋakaŋga ʋakamirira Zakaria ʋakashamiswa nokunonoka kwake mutembere. Ɀino wakati aciɓuɗa, akasagona kutaura naʋo; ʋakaziʋa kuti wakaŋga aʋona ciratidzo mutembere; iye akaramba acininira namaʋoko, akaramba ari mbeʋeʋe. Ɀino mazuʋa okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake. Mazuʋa iwayo akati apfuʋura, Erisabete mukadzi wake akatora mimba, akaɀiʋanza mŋedzi mishanu, aciti: Ndiɀo ɀandakaitirwa naShe namazuʋa aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwaŋgu pakati paʋanhu. Nomŋedzi wecitanhatu mutumŋa Gabrieri wakatumŋa naMŋari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta