Revhitiko 25:47-55
Revhitiko 25:47-55 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana mweni kana mutorwa akapfuma agere newe, asi hama yako igere naye ikava murombo, akazvitengesa kumweni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumwana worudzi rwomweni uyo, kana atengeswa, ungadzikinurwa; mun'una kana mukoma wake ungamudzikinura; kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikinura, kana ani naani vehama dzake dzomumba make ungamudzikinura; kana iye akazova mupfumi, ungazvidzikinura amene. Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake. Kana makore mazhinji achinge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikinurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, zvichibva pamari yaakanga atenga nayo. Kana kuchinge kwasara makore mashoma kusvikira pagore rejubheri, unofanira kurangana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikinurwa kwake zvichienzaniswa namakore ake. Unofanira kugara naye gore rimwe nerimwe somubatiri unopiwa mubayiro wake; ngaarege kumubata nehasha pamberi pako. Kana asingadzikinurwi nemitoo iyi, anofanira kusunungurwa negore rejubheri, iye navana vake pamwechete naye. Nokuti vana vaIsiraeri varanda vangu; varanda vangu vandakabudisa panyika yeIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.
Revhitiko 25:47-55 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Mutorwa kana mushanyi pakati penyu akava mupfumi, uye mumwe wavanhu venyika yenyu akava murombo akazvitengesa kumutorwa agere pakati penyu, kana kumhuri yomutorwa, anoramba ane mvumo yokudzikinurwa mushure mokunge azvitengesa. Mumwe wehama dzake anogona kumudzikinura: Babamunini vake kana mwanakomana wababamunini vake, kana hama yake yapedyo worudzi rwake angamudzikinura. Iye neanomutenga vanofanira kuverenga nguva kubva pagore raakazvitengesa kusvikira paGore reJubhiri. Mutengo wokusunungurwa kwake unofanira kuenzaniswa nemari inoripwa mushandi wemaricho kwamakore iwayo. Kana kuchine makore akawanda asara, anofanira kuripira rudzikinuro rwake, chikamu chikuru chemari yaakaripirwa. Kana kwasara makore mashoma shoma Gore reJubhiri risati rasvika, anofanira kurangana naye agodzosera mari yorudzikinuro rwake zvichienzaniswa namakore ake. Anofanira kubatwa somushandi wemaricho gore rimwe nerimwe; munofanira kuona kuti tenzi wake haamutongi zvakaomarara. “ ‘Kunyange zvake asina kudzikinurwa neimwe yenzira idzi, iye navana vake vanofanira kusunungurwa mugore reJubhiri, nokuti vaIsraeri ndevangu savaranda vangu. Varanda vangu vandakabudisa kubva muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
Revhitiko 25:47-55 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Mutorwa agere nemi kana kuti mupfuuri agere nemi akapfuma asi mumwe wenyu, muIsiraeri obva apindwa nourombo ozvitengesa kumutorwa kana kumupfuuri agere nemi kana kune mumwe wemhuri yomutorwa iyeyo, shure kwokuzvitengesa kwaakaita, zvinobvumirwa kumudzikunura. Anogona zvake kudzikunurwa nomumwe wake muIsiraeri, angave sekuru wake kana babamukuru kana babamudiki wake, kana kuti mukoma kana munun'una wake, kana imwe hama yake yomudzinza rokwake. Dai kuri kuti iye apfumawo anogona kuzvidzikinura pachake. Ngaaverengerane makore nomunhu akamutenga, kubvira pagore raakazvitengesa kwaari kusvikira pagore rehwamanda. Mari yacho inofanira kuwirirana nemakore acho. Makore aakanga aina vatenzi vake anofanira kutorwa semakore aakanga achiita zvake basa somushandi. Kana kuchine makore mazhinji asara ngaaripe chikamu chemari inosara pamari yaakatengwa nayo pabviswe mari yamakore aakamushandira. Kana pasara makore mashomanana, ngaaverengerane naye makore asara kusvika kugore rehwamanda abvise muripo wake unowirirana namakore iwayo asara okuzvinunura. Zvaanenge achimushandira gore negore ngaarege kumuomesera upenyu imi makatarisa zvenyu. Kana asina kudzikunurwa nenzira iyoyi ngaapiwe rusununguko rwake mugore rehwamanda iye navana vake. Ndinodaro nokuti vaIsiraeri varanda vangu. Ndevangu nokuti ndini ndakavaburitsa munyika yeIjipiti. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndini ndinodaro.
Revhitiko 25:47-55 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana mŋeni kana mutorwa akafuma agere newe, asi hama yako igere naye ikaʋa murombo, akaɀiteŋgesa kumŋeni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumŋana worudzi rwomŋeni uyo, kana ateŋgeswa, uŋgadzikinurwa; munuŋuna kana mukoma wake uŋgamudzikinura; kana ɓaɓamunini ʋake, kana mŋanakomana waɓaɓamunini ʋake, uŋgamudzikinura, kana aninani ʋehama dzake dzomumba make uŋgamudzikinura; kana iye akazoʋa mufumi, uŋgaɀidzikinura amene. Ɀino iye nomuteŋgi wake ʋanofanira kuʋereŋga makore kubva pagore raakaɀiteŋgesa naro kwaari kuȿikira pagore rejuberi, muteŋgo waakaɀiteŋgesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; ŋguʋa yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa neŋguʋa yomuɓatiri unopiwa muɓairo wake. Kana makore mazhinji aciŋge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikinurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, ɀicibva pamari yaakaŋga ateŋga nayo. Kana kuciŋge kwasara makore mashoma kuȿikira pagore rejuberi, unofanira kuraŋgana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikinurwa kwake ɀicienzaniswa namakore ake. Unofanira kugara naye gore rimŋe nerimŋe somuɓatiri unopiwa muɓairo wake; ŋgaarege kumuɓata nehasha pamberi pako. Kana asiŋgadzikinurwi nemitoʋo iyi, unofanira kusunuŋgurwa negore rejuberi, iye naʋana ʋake pamŋe cete naye. Nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋaranda ʋaŋgu; ʋaranda ʋaŋgu ʋandakaɓuɗisa panyika yeEgipita; ndini Jehova Mŋari wenyu.
Revhitiko 25:47-55 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)