Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mupiro 25

25
Gore rokusarutsa minda isina kurimwa, nokusabata basa
(Kut 15:1–11)
1Tenzi akataurira Mosesi, mugomo reSinai achiti, 2“Udza vaIsiraeri kuti, kana masvika munyika yandiri kukupai, nyika ngaivewo neSabata rayo pamusana paTenzi. 3Kwamakore matanhatu rimai zvenyu minda yenyu, muchipemhena migirepisi yenyu kwamakore matanhatu, muchikohwa zvenyu zvirimwa zvenyu. 4Asi gore rechinomwe ngarive gore reSabata rokuzorodza minda, negore rakapirwa Tenzi. Musarime minda yenyu kana kupemhena migirepisi yenyu. 5Regai kukohwa zvirimwa zvenyu zvamahoko. Regai kutanha magirepisi emigirepisi yenyu yamusina kumbopemhena iya, igore rokusarutsa minda isina kurimwa. 6Zvirimwa zvamahoko nemichero inoibva gore iroro rokusarutsa minda, ndozvichava chokudya chenyu imi, navaranda venyu vechirume nevechikadzi, navashandi venyu, navatorwa vagere nemi, 7nezvipfuwo zvenyu nemhuka dzomunyika yenyu. Zvose zvinoibva gore iroro ndozvichava chokudya.
Gore reHwamanda
8“Mukachengeta makore okusabata basa muminda kanomwe munenge matokwanisa makumi mana amakore ana makore mapfumbamwe. 9Pazuva rechigumi remwedzi wechinomwe pazuva rokuripira zvitadzo nokuwadzana naMwari, hwamanda ngadziridzwe munyika yenyu yose. 10Eresai gore ramakumi mashanu, muparidze kuvanhu vose vomunyika yenyu nezvorusununguko. Kwamuri, igore rehwamanda, gore rokuti munhu wose anofanira kudzokera pamunda pake, munhu wose achidzokera kumhuri yokwake. 11Gore rechimakumi mashanu kwamuri, igore rokupemberera Jubhiri iroro, mugore iro regai kurima minda yenyu, kana kukohwa zvemahoko kana kutanha magirepisi pamigirepisi yamusina kupemhena iya. 12Ndinodaro nokuti igore rehwamanda, kwamuri igore rinoera. Muchadya zvamahoko omuminda yenyu.
13“Mugore iroro rehwamanda, munhu wose ngaadzokere pamunda pake. 14Kana muchitengeserana kana kutengerana, vaIsiraeri pachenyu, musabiridzirane. 15Kana munhu otenga munda womumwe, ngapaverengwe makore apfuura kubvira pagore rehwamanda, munda ngautengeswe pachiverengiwa makore okurima asara. 16Kana kuchine makore mazhinji mutengo wacho ngaukwidzwe. Asi kana kwasara makore mashoma mutengo wacho ngauderedzwe nokuti chaanokutengesera chaicho huwandi hwamakore auchazorima. 17Musabiridzirane pachenyu, asi ityai Mwari wenyu nokuti ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro.
Chokudya chepagore rokusarutsa minda
18“Chengetai mirao yangu nemitemo yangu muite zvainoreva kuti mugare munyika yenyu makagarika makagarikana. 19Nyika yenyu ichava nyika yamaguta ezvirimwa. Muchadya zvenyu muchiita zvokutorasa, mugere murugare.
20“Kuda mumwe wenyu angati, ‘Ko tichadyeiko mugore rechinomwe patisingabvumirwi kurima minda kana kukohwa mbesa?’ 21Ndichakutumirai chikomborero changu pagore rechitanhatu zvokuti minda yenyu ichabereka mbesa dzakaenzana nedzemakore matatu. 22Pamunodyara minda yenyu mugore rechisere munenge muchiri kudya zvamakakohwa kusvikira mugore rechipfumbamwe. Pamunenge muchikohwa zvegore iroro munenge muchitodya zvakare.
Kudzoserwa kweminda nedzimba
23“Nyika haitengeserwe munhu zvachose nokuti nyika ndeyangu, imi muri vaenzi pairi vandinotombopawo zvangu pokugara.
24“Munyika yenyu yose zvayo, munhu akambotengesa munda, ane mvumo yokuutenga zvakare. 25Kana mumwe muIsiraeri apindwa nourombo akasvika pakutengesa munda wake hama yake yomumba ngaiuye idzikinure munda iwoyo wakatengeswa nehama yake. 26Kana munhu asina hama yomumba yokudzikinura munda wake, asi iye ozopfuma zvokuti anowana mari yokuudzikinura nayo, 27ngaaverenge makore akapera kubvira panguva yaakautengesa, amudzosere muripo unokwanirana namakore anenge asara kusvika pagore rehwamanda, ozobva odzokera pamunda pake. 28Asi kana asina chokuudzikinura nacho kuti uve wake zvakare, uchagara zvawo uri mumaoko emunhu akautenga kusvikira gore rehwamanda. Mugore rehwamanda unenge usisiri womunhu uya akautenga. Muridzi wawo ndopaachadzokera zvake pamunda pake.
29“Kana munhu akatengesa imba yake iri muguta rakakomberedzwa norusvingo, ane mvumo yokuidzikinura kusati kwapera gore rokuitengesa kwake. Gore iroro rose ane mvumo yokuidzikinura. 30Asi kana gore rikapera asina kuidzikinura, imba yakadai, iri muguta rakakomberedzwa norusvingo, ichazogara iri yomunhu akaitenga iyeyo pazvizvarwa zvake zvose, haasungirwi kuidzosera kumuridzi pagore rehwamanda. 31Asi dzimba dzomumaruwa, kusina kukomberedzwa norusvingo, dzine murao mumwechete noweminda. Varidzi vadzo vane mvumo yokudzidzikinura, uyewo pagore rehwamanda dzinodzoserwa kune varidzi vadzo. 32Mumaguta avaRevhi, vaRevhi vane mvumo yokudzikunura dzimba dzavo dzomumaguta avo nguva ipi neipi zvayo. 33Kana muRevhi akarega kudzikinura imba yakatengeswa muguta ravo inodzokera kwaari mugore rehwamanda. Nokuti dziri mumaguta avaRevhi ndedzavo mukati mavaIsiraeri. 34Asi mafuro akapoteredza maguta avaRevhi ngaarege kutengeswa nokuti ndeavo narini wose.
Kukweretesa varombo
35“Kana mumwe wako muIsiraeri agere newe akawirwa nourombo, zvokutoshayisisa chokubata, mutore ugare naye umubatsire, sezvaungangoitira mutorwa kana munhu anokumbira pokugara mumusha mako. 36Usareve imwe mari yokuwedzera pamusoro peyawakamukweretesa, asi itya Mwari wako urege mumwe wako muIsiraeri agare zvake newe. 37Usamukweretese mari uchida kuti azokudzosera yabereka imwe pamusoro, kana kumutengesera zvokudya uchida kuti uwane zvako imwe mari pamusoro pomutengo wazvo. 38Ini Tenzi ndinodaro, ndini Mwari wenyu ndakakuburitsai munyika yeIjipiti kuzokupai nyika yeKanani kuti ndive Mwari wenyu.
Kupiwa rusununguko kwavaranda
39“Kana mumwe wako muIsiraeri agere newe, apindwa nourombo, akazvitengesa kwauri rega kumubata somuranda. 40Ngaagare newe uchimubata somushandi zvake kana kuti muenzi ari kumbogara zvake newe. Ngaakuitire basa somushandi kusvikira gore rehwamanda, 41ndopaachazobva zvake pauri iye navana vake, odzokera zvake kumusha kwake, kunyika yemadzibaba ake. 42Ndinodaro nokuti vaIsiraeri varanda vangu vandakaburitsa munyika yeIjipiti, havafanire kutengeswa savaranda. 43Usamubate zvakaipa uchimuitira zvehasha asi itya Mwari wako. 44Kana muchida varanda vechirume kana vechikadzi munogona zvenyu kuvatenga kundudzi dzavanhu dzakakupoteredzai. 45Munogonawo kuvatenga kubva kumhuri dzavatorwa vagere nemi nemhuri dzinemi dzakaberekerwa munyika menyu vachiva venyu. 46Vanogona kuva nhaka yamunosiyira vana venyu ichiva yavo nokusingaperi. Mungavaite zvenyu varanda venyu, asi vamwe venyu vaIsiraeri musavabate zvakaipa muchivaitira zvehasha.
47“Mutorwa agere nemi kana kuti mupfuuri agere nemi akapfuma asi mumwe wenyu, muIsiraeri obva apindwa nourombo ozvitengesa kumutorwa kana kumupfuuri agere nemi kana kune mumwe wemhuri yomutorwa iyeyo, 48shure kwokuzvitengesa kwaakaita, zvinobvumirwa kumudzikunura. Anogona zvake kudzikunurwa nomumwe wake muIsiraeri, 49angave sekuru wake kana babamukuru kana babamudiki wake, kana kuti mukoma kana munun'una wake, kana imwe hama yake yomudzinza rokwake. Dai kuri kuti iye apfumawo anogona kuzvidzikinura pachake. 50Ngaaverengerane makore nomunhu akamutenga, kubvira pagore raakazvitengesa kwaari kusvikira pagore rehwamanda. Mari yacho inofanira kuwirirana nemakore acho. Makore aakanga aina vatenzi vake anofanira kutorwa semakore aakanga achiita zvake basa somushandi. 51Kana kuchine makore mazhinji asara ngaaripe chikamu chemari inosara pamari yaakatengwa nayo pabviswe mari yamakore aakamushandira. 52Kana pasara makore mashomanana, ngaaverengerane naye makore asara kusvika kugore rehwamanda abvise muripo wake unowirirana namakore iwayo asara okuzvinunura. 53Zvaanenge achimushandira gore negore ngaarege kumuomesera upenyu imi makatarisa zvenyu. 54Kana asina kudzikunurwa nenzira iyoyi ngaapiwe rusununguko rwake mugore rehwamanda iye navana vake. 55Ndinodaro nokuti vaIsiraeri varanda vangu. Ndevangu nokuti ndini ndakavaburitsa munyika yeIjipiti. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndini ndinodaro.

Zvasarudzwa nguva ino

Mupiro 25: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda