Revhitiko 14:19-20
Revhitiko 14:19-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mupristi anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa; mupristi anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro peatari, kuti mupristi amuyananisire, anake.
Revhitiko 14:19-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ipapo muprista achabayira chipiriso chechivi agoyananisira uyo anofanira kucheneswa kubva pakusachena kwake. Mushure maizvozvo muprista achabaya chipiriso chinopiswa agochipa paaritari pamwe chete nechipiriso chezviyo, agomuyananisira, uye achava akachena.
Revhitiko 14:19-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mupristi anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa; mupristi anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro peatari, kuti mupristi amuyananisire, anake.
Revhitiko 14:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Mupristi ngaaite mupiro wokupfupira zvitadzo, achiripira munhu ari kuchenurwa pakun'ora kwake. Kana aita izvozvo, ngaauraye chibayiro chemupiro wokupisa. Mupristi ngaapire mupiro wokupisa nomupiro wembesanwa paatari. Nokudaro mupristi achamuripira, munhu iyeyo anobva achenurwa.
Revhitiko 14:19-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muprista unofanira kupisa cipiriso ceɀiʋi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuɗa kwokusanaka kwake; pashure unofanira kuʋuraya cipiriso cinopiswa; muprista unofanira kupisa cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu pamsoro peartari, kuti muprista amuyananisire, anake.
Revhitiko 14:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)